Zim yakagadzirira Coronavirus: Moyo

29 Jan, 2020 - 19:01 0 Views
Zim yakagadzirira Coronavirus: Moyo Dr Moyo

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Obadiah Moyo, vanoti Zimbabwe yakagadzirira kudzivirira kutapurirwa kwechirwere cheCoronavirus (2019-nCoV) zvichitevera kudyidzana kwainoita nenyika yeChina, uko kwachakatangira.

Vakataura mashoko aya nomusi weMuvhuro uno apo vakashanyira nhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport vachinoona kuvhenekwa kuri kuitwa vanhu vanopfuura nepo vachipinda muZimbabwe.

“Tinofara zvikuru kuti Zimbabwe haina ndege dzinongoita rwendo rwumwe chete pakuenda kana kubva kuChina (direct flights), saka vanhu vanotombotanga vavhenekwa vachiri munzira. Ibasa reHurumende kuona kuti vanhu vakachengetedzwa kana pachinge panyuka zvirwere sepanguva ino apo tiri kurwisana nechirwere cheCoronavirus,” vanodaro.

Dr Moyo vanoti pari zvino chirwere ichi chakagodza kuWuhan Province yekuChina uye vari kutaura nemahofisi anomirira China muno avo vanovimbisa kuti vachambomisa kana kuderedza vanoshanya kuZimbabwe.

“Tine vanhu vemuZimbabwe vanogara kuChina uye vamwe vanoshanyako, saka pari zvino tine nyaya mbiri dzatiri kuita ongororo,” vanodaro.

Vanhu vari kukurudzirwa kuti vaderedze nzendo kana kuregedza kushanya zvachose pakati peZimbabwe neChina zvichitevera kunyuka kweCoronavirus.

Nyanzvi dzinoita ongororo muZimbabwe dziri mushishi kuita basa radzo, zvikuru kumiganhu yenyika uko vanhu vanopinda nekubuda nako.

Izvi zvauya panguva iyo sangano reBill & Melinda Foundation nemusi weSvondo wadarika rakazivisa kuti richatsigira mukurwisa chirwere ichi neUS$10 miriyoni.

Pamari iyi, US$5 miriyoni ichaenda kuChina uye chimwe chikamu chichabatsira nyika dziri muAfrica kuburikidza nesangano rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere, reCentre for Disease Control and Prevention.

Kunyangwe zvazvo pasina nyaya dzechirwere ichi dzati dzaonekwa muAfrica, vanoona nezveutano vanoti munyika yeCôte d’Ivoire nemusi weSvondo wadarika vaiita ongororo yemumwe mwana wechikoro aienda kuAbidjan achibva kuWuhan inova nyaya yekutanga muAfrica.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>