‘Zim yakagadzirira kurwisa Omicron’

05 Dec, 2021 - 13:12 0 Views
‘Zim yakagadzirira  kurwisa Omicron’ Dr Chiwenga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika – Vice President Constantino Chiwenga – avo vanove zvakare gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, vanoti Hurumende yakazvipira kurwisa chirwere cheCovid-19 zvichitevera kunyuka kwehumwe hutachiona hwedenda iri hunodaidzwa kuti Omicron kudzimwe dzenyika dzakapoteredza Zimbabwe.

Mumashoko avakaverengerwa nemutevedzeri wegurukota rezveutano, Dr John Mangwiro, pamhemberero dzezuva reWorld AIDS Day kuChinhoyi svondo rapera, VP Chiwenga vanoti zvakakosha kuti pave nezvinokwana zvekushandisa mukurwisa HIV neCovid-19.

Zuva iri rinocherechedzwa pasi rose nemusi wa1 Zvita gore negore.

Kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kuri kuonekwa zvekare kuchidzorera kumashure nyaya dzebudiriro dziri kuitwa mukurwisa HIV.

“Zuva reWorld AIDS Day rakakosha zvikuru nekuti ndiyo nguva yatinoranganira vanhu vakatisiya nekuda kweAIDS tichitarisa zvekare budiriro kana shanduko iri kuitwa mukurwisa HIV uye chirwere cheCovid-19 chinova chava kudyidzana neHIV. Tiri kusangana zvekare munguva yeCovid-19 apo huturu hwechirwere ichi huri kuramba huchingosanduka kuchiuya dzimwe mhando itsva dzehutachiona.

“Tinofara zvikuru kuti Hurumende yakazvipira uye iri kutora matanho anoita kuti chirwere ichi chisaramba chichitekeshera nekuuraya vanhu vakawanda,” vanodaro VP Chiwenga.

Vanoti zvakakosha kuti pave nemidziyo nezvimwe zvekushandisa zvinokwanirana muzvipatara nemumakiriniki mukurwisa HIV, Covid-19 nezvirwere zvisina zviratidzo.

“Chirwere cheCovid-19 chiri nyore kutapurirana uye chadzosera kumashure kuwaniswa kweutano kune veruzhinji nekudaro bazi redu riri kutarisira kuvaka zvipatara zvitsva 32, kuvakurudza zvimwe kuitira kuti munhu wose, angava kumaruwa kana kumaguta, awane utano hwakaenzanirana,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoti zvisinei nekukanganiswa kwaitwa chirongwa chekurwisa HIV zvichitevera kunyuka kweCovid-19, vanofara nebudiriro yavepo iyo yaona huwandu hwehutachiona hweHIV munyika huchiderera kumazera ose kubva muna2016 kusvika 2020.

“Kuvanhu vakuru, huwandu hwehutachiona hutsva hwakaderera nechikamu che42.1 percent apo kune vechidiki hwakadzikira nechikamu che22 percent mukati menguva imwe chete iyi. Kuvana vane makore 10-19 ekubarwa, hutachiona hweHIV kwakaderera nechikamu che44.3 percent uye nechikamu che44.4 percent mukati mevechidiki vane mazera anobvira pamakore 15-24 ekubarwa.

“Pamusoro pekuderera uku, nyika ine huwandu hwevanhu vane hutachiona hweHIV nechikamu che11.8 percent kubva pa13.9 percent,” vanodaro.

Budiriro yose iyi, vanodaro VP Chiwenga, yakavapo nekuda kwematanho ari kutorwa neZimbabwe sekuchecheudzwa kwevarume, kuvhenekwa HIV, kuwaniswa kwemishonga yePre and Post Exposure Prophylaxis, kudzivirirwa kweHIV kubva kumadzimai akazvitakura kuenda kuvana nekurapwa kwevane HIV nezvimwe zvirwere zvepabonde, pakati pezvimwe.

“Vanhu 1,3 miriyoni muZimbabwe vane hutachiona hweHIV uye chikamu che91 percent chiri pamishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARV) kureva kuti huwandu uhwu hwakawedzera kubva pa88 percent muna2015,” vanodaro.

VP Chiwenga vanoti gwaro reGlobal AIDS Monitoring Report rinoratidza kuti Zimbabwe yakunda mukuzadzikisa zvinangwa zveUnited Nations Global 90-90-90 Fast Track targets, zvinoreva kuti nyika ino yava pedyo kupedza AIDS mugore ra2030.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey