Zim yochema kuna Mwari

17 Jun, 2020 - 00:06 0 Views
Zim yochema kuna Mwari Mudzimai wemutungamiri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vachinamata nezuro

Kwayedza

Tandayi Motsi

PRESIDENT Mnangagwa nezuro vakatungamira munamato nekutsana kwenyika yose muchirongwa chekukumbira kuna Mwari kuti vapindire mukupa mazano ane hungwaru ekupedza chirwere cheCovid-19.

Covid-19 chirwere chinokonzerwa nehutachiona hunodaidzwa kuti coronavirus uye chauraya vanhu vakawandisa pasi rose.

MuZimbabwe, kusvika nemusi weSvondo chirwere ichi chawanikwa muvanhu 383 mushure mekuvhenekwa apo 54 vavo vatonaya kuchiti vamwe vana (4) vakashaya.

Vachitaura vari kumuzinda wavo weState House uri muguta reHarare, President Mnagagwa vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvizvininipise pamberi paMwari kuti vapindire uye vawanire nyika nyasha pamusoro peCovid-19.

Gungano rekunamata nekutsanya iri – iro rakavepo zvichitevera kudomwa kwakaitwa zuva iri naPresident Mnangagwa svondo rapera – rakapindwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa, maVice President Constantino Chiwenga naKembo Mohadi nevakuru vemachechi akasiyana.

“MuZimbabwe, tasarudza kuti tizvininipise pamberi paMwari uye nekuvakudza. Tasarudza kuti titendeuke uye titsvage dzikinuro kubva kuMwari nekukumbira nyasha dzake mukupedza nekudzoreredza utano nekuda kwechirwere cheCovid-19,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndinozvininipisa pamberi penyu pamwe chete nezvizvarwa zveZimbabwe. Tinoreurura zvitadzo zvose. Regererai avo vanonamata zvimufananidzo uye motiregerera kutadza kwose.

“Muri Mwari ane nyasha nekudaro tinokukumbirai kuti muporese nyika yedu kubva kuchirwere cheCovid-19. Tipei huchenjere uye gwara rekutora mukurwisa chirwere ichi.”

Vanoti nyaya yekunamata haizi itsva kwavari sezvo uri mugariro uye pose apo musangano wemakurukota eHurumende weCabinet paunotanga pamwe chete nekupera, panonamatwa.

President Mnangagwa vanoti Covid-19 iri kukonzera kutambudzika nekufa kwevanhu vakawanda pasi rose, nekudaro nyika yose inofanira kuramba ichinamata pamusoro pechirwere ichi.

Vachitaurawo pagungano iri, Reverend Andrew Wutawunashe – avo vaitungamirira chirongwa chekutsanya nekunamata ichi – vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabatsire mukurwisa kupararira kwechirwere ichi kuburikidza nekupfeka mamasiki, kusaita chitsokotsoko nekutevedzera zvose zvavanokurudzirwa kuti vaite nenyanzvi dzezveutano.

“Kana mutungamiriri akaita saPresident Mnangagwa vachizvininipisa pamberi paMwari uye vachitsvaga nyasha, zvinhu zvinofadza,” vanodaro.

Vanoti vemachechi vanotenda basa riri kuitwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Mnangagwa rekubatsira kurwisa kupararira kweCovid-19 munyika.

Mumashoko avo ekutenda pagungano iri, VP Chiwenga vanoti vanotenda zvikuru President Mnangagwa avo vakauya nepfungwa yekuti nyika yose ibatane mukunamata nekutsanya nekuda kwechirwere ichi.

Nezuro, veruzhinji vakaratidza kufara nedanho rakatorwa naPresident Mnangagwa pakuronga zuva rekunamata nekutsanya iri.

Covid-19 haisati yawanirwa mushonga unoirapa pasi rose.

Nyika dzinosanganisira United States, Brazil, Botswana neTanzania dzine mazuva adzakadomawo ekunamata pamusoro peCovid-19.

Pari zvino Zimbabwe iri pachidanho chechipiri chekurwisa chirwere ichi (Level 2 lockdown) izvo zvaona mamwe mabhizimusi – ayo akange ambomiswa kushanda – achivhura zvakare.

Pasi pemutemo wekuti veruzhinji varege kuita chitsokotso, vanhu 50 chete ndivo vanotenderwa kuungana asi zviine chikonzero chisvinu.

Munhu wose anosungirwa kugara akapfeka masiki kana achinge ari panzvimbo yeruzhinji senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Share This:

Sponsored Links