Zim yochema Shaya

26 Aug, 2021 - 12:08 0 Views
Zim yochema Shaya

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA dzakambonetsa munhabvu, varairidzi nevatsigiri vemutambo uyu vochema zvikuru zvichitevera kushaika kwakaita George “Mastermind” Shaya nemusi weChipiri svondo rino.

Shaya, uyo ange ave nemakore 77 okuberekwa, ange ave nenguva ndefu achisimbirwa nemuviri wake izvo zvakaona achidamburwa gumbo rekurudyi mugore ra2019 mushure mekutambudzwa nechirwere chepasi petsoka chinozivikanwa nekuti “gangrene”.

Achinyora paFacebook, aimbove mubati wepagedhi weDynamos FC — Japhet “Shortcat” Mparutsa — anoti akawaniswa mukana wekutamba muchikwata chimwechete naShaya uyo waakaona hunyanzvi hwake kunyangwe hazvo panguva iyi Shaya ange ave pedyo nekusendeka shangu dzake dzekutamba nhabvu.

“Ndaive nemakore 18 pandakabva kuHarare Hospital Football Club ndichienda kuDynamos mugore ra1981. Panguva iyi, Mudhara George, sekumushevedza kwataimuita, ange ave pedyo nekusiya nhabvu.
Vatambi vekumutsiva vange vatotsvagwa avo vaive Steve Kwashi pamwechete naJuly “Jujuju” Sharara.
“Vaviri ava vaive neshangu huru dzekupfeka. Vakaedzawo zvavo asi kutaura chokwadi kwaingova naGeorge Shaya mumwechete. Murume uyu aidadisa uye ange asingatsivike. Hakuna mumwe aitamba saye,” anodaro Mparutsa.

Imwe shasha yakambotambira Dynamos zvekare — Taurai Mangwiro — anoti nyika yarasikirwa zvikuru nekushaika kwaShaya uyo akaita kuti vatambi vazhinji vade nhabvu.
“Ndichikura ndaiziva kuti kuna George Shaya uye hakuna munhu aisingamuzive nekuti mudhara tarenda vaive naro uye vaigona zvikuru.

“Tarwadziswa zvikuru nekusiiwa kwataitwa namudhara wedu. Zororai murugare mudhara Shaya,” anodaro Mangwiro.

Mutambi wenhabvu, Hardlife Zvirekwi, anoti rufu rwaShaya rwamubata sezvo aidzidza zvakawanda kubva kwaari.

“Nhoroondo yenhabvu yemuZimbabwe hatikwanise kutaura nezvayo tichisiya zita raShaya. Kana munhu ukakwanisa kuhwinwa mubairo weSoccer Star of the Year kashanu, zvinofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuti panenge pabatwa basa. Ini ndakahwinawo mubairo uyu kamwechete uye ndoziva kuti kuuhwina unenge washanda nesimba chaizvo. Manje Shaya akauhwina kashanu izvo zvinotaridza hunyanzvi hwaaive naho mumutambo uyu,” anodaro Zvirekwi.

Achinyorawo paFacebook, shasha yekutsigira nhabvu ine mukurumbira — Chris “Romario” Musekiwa — anoti nyika yose yarasikirwa zvikuru nekushaika kwaShaya.

“Kuti azopihwa zita rekuti Mastermind yange iri nyaya yehunyanzvi hwake hwaaiita munhabvu, akaita kuti vatambi vazhinji vade mutambo uyu uye ndiye ega mutambi akakwanisa kuhwina mubairo weSoccer Star of the Year kashanu.

“Tine hurombo kumhuri yake, madzisahwira ake uye vatsigiri venhabvu vose nekurasikirwa kwataita naShaya.

“Tinoda kuti mhuri yake izive kuti tiri kuchema nayo panguva ino inorwadza,” anodaro Romario.
Zvakadai, chikwata cheDynamos FC chakanyorera kuZimbabwe Football Association (Zifa) chichikumbira kuti Shaya apihwe chiremerera chekuva gamba renyika.

Pachinyorwa chakaiswa padandemutande reDeMbare, chikwata ichi chinoti Shaya anokodzera kuve gamba renyika kuburikidza nebasa guru raakabata mumutambo wenhabvu.

Share This:

Sponsored Links