Zim yokunda hondo yeHIV neAIDS

16 Apr, 2021 - 11:04 0 Views
Zim yokunda hondo yeHIV neAIDS

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kuratidza kubudirira zvikuru panyaya yekurwisa hutachiona hweHIV neAIDS zvichitevera gwaro rakaburitswa nesangano reGlobal AIDS Monitoring Report munguva pfupi yadarika apo nyika ino iri mushishi kuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Vachitaura kuvatori venhau pamusangano wavakaita kumahofisi avo muguta reHarare, chamangwiza wesangano reNational AIDS Council (NAC) — Dr Bernard Madzima — vanoti pari zvino vanhu vari kubatwa vaine hutachiona hweHIV vave vashoma kwazvo izvo zvinoratidza kuti pane mikana mikuru yekuti nyika ino ikunde mukupedza AIDS pasi pezvinangwa zvegore ra2030.

Vanokurudzira veruzhinji kuti panguva ino nyika iri kurwisa Covid-19, vasakanganwe kudzivirira hutachiona hweHIV.

“Tinoramba tichikurudzira vanhu kuti vaende kunovhenekwa hutachiona hweHIV kuzvipatara zviri pedyo navo uye kune vaya vari pamaAnti-Retroviral Drugs, ngavarambe vachitora mishonga yavo nguva nenguva nekuenda kuzvipatara kunorapwa pose pavanosangana nematambudziko.

“Tinokurudzira zvekare kuti vanhu vatevedze hwaro hweWorld Health Organisation (WHO) kuburikidza nekuregedza kuungana, kugeza maoko nguva nenguva uye kupfeka mamasiki kuti tikwanise kukunda denda reCovid-19,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links