Zim yonanga kumisika yekuEurope

21 Jun, 2022 - 12:06 0 Views
Zim yonanga kumisika yekuEurope Dr Basera (kuruboshwe) Adam Selby

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kuratidza kubudirira zvikuru munyaya dzekurima pamwe nekuvandudza zvirimwa ichigadzira kumwe kudya kunova kunofarirwa pamisika yekunze zvichiita kuti dzimwe nyika sedziri kuEuropean Union (EU) dziunza mari yakawanda muno pagore.

Mamwe emakambani ari kurima pamwe nekuvandudza zvirimwa munyika muno anosanganisira Selby iri kuMazowe uko iri kuvandudza zvirimwa zvakadai semahabhurosi, mhiripiri, matomatisi nepeas.

Mabasa ekurima aya ari kusimudzira zvekare vakagari veko kuburikidza nekuvawanisa mabasa apo vanhu vanodarika 1 700 vari kushanda mukurima nekukohwa bhinzi, matomatisi nemichero inogadzira jamhu.

Vachitaura mushure mekumema purazi reSelby, munyori mukuru kubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruva – Dr John Basera – vanoti mabasa ekurima nekutengesa ari kuitwa neSelby ari muchikamu chekusimudzira kurimwa kwemiriwo nemaruva uye akakosha kubudiriro yenyika.

“Taimbotengesa zvirimwa zvedu semuriwo zvaikosha mari inodarika US$150 miriyoni kunyanya kumisika iri kuEurope neMiddle East nedzimwe nyika dzakatipoteredza muno muAfrica. Saka tinoda kuramba tiri pamberi kana kupfuura nekuti zvinotobatsira kuti tiwane mari inobva kune dzimwe nyika uye kuderedza huwandu hwezvinhu zvatinotenga kubva kunze,” vanodaro Dr Basera.

Director weSelby, VaAdam Selby vanoti mumakore maviri adarika, vakatanga vachirima mahekita gumi emahabhurosi (blueberries) asi iko zvino vavandudza nzvimbo yekurima kuenda pamahekita 32 uye vane chinangwa chekusvika pamahekita 50 nekufamba kwenguva.

Dr Basera vachimema zviri kurimwa purazi reSelby vaina VaAdam Selby

“Mubhizimusi iri, ndakaisa US$3 miriyoni inova inobata zvirimwa zvakasiyana, donzvo riri rekuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zveEuropean Union kuti tinge tichipinda mumisika mikuru yepasi rose (Global Standards). Tinoda kuti tive pamberi mukurima nekutengesa uye kuwanisa vagari vemuno kudya kune utano,” vanodaro.

VaSelby vanoti vane muzinda uyo vanovandudzira zvirimwa zvavo vachizviisa mumagaba (canning factory) uye vakatotenga mimwe midziyo mitsva inokosha US$3,5 miriyoni yekuitisa basa iri.

“Pari zvino tiri kunyanya kutarisana nekurima matomatisi nebhinzi tichizvivandudza tichiisa mumagaba. Pamuzinda wedu mukuru uri pedyo nenhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport, tiri kushandisa mari zhinji kuti tigadzirise michina inotonhodza (cold rooms) zvirimwa zvedu. Tinoda kuramba tichirima michero yakawanda semaapple, maranjisi, mahabhurosi, peas nezvimwe kusvika mumwedzi waKurume.”

VaSelby vanoti vanoda kutsigira pamwe nekusimbaradza zvirongwa zveHurumende zvebudiriro kuburikidza nekurima miriwo, michero nemaruwa.

Share This:

Sponsored Links