Zim yonokwikwidza kuJapan

10 May, 2023 - 17:05 0 Views
Zim yonokwikwidza kuJapan Wilson Nyakoko

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI nhatu dzemujaho wewiricheya dzemuno dzinoti Elford Moyo, Stellah Jongwe naMunyaradzi Katiyo dzichanomirira nyika kumujaho weOita Wheelchair Challenge uyo unoitirwa kunyika yeJapan.

Shasha idzi dzichaenda kumujaho uyu, uyo unoitirwa muguta reOita, kuKyushu, kuJapan muna Gunyana.

Vatambi vemuno vange vaine nguva vasingashevedzwe kumutambo uyu, sezvo vakapedza nguva refu vasingaende kunokwikwidza, saka kushevedzwa kwavakaitwa gore rino kunoratidza kuti Zimbabwe iri kuremekedzwa mumhuri yemujaho wewiricheya pasi rose.

Murairidzi wevamhanyi vewiricheya arizve maneja wevamwe vachaenda kumujaho uyu – Wilson Nyokoko – anoti Zimbabwe yange yave nemakore isina kumbotumira vatambi vanokwikwidza kumujaho wewiricheya kuJapan, zvinova zvaidzosera nyika kumashure mumutambo iwoyu sezvo tikiti rekuendako risingauye nyore.

Anoti iye pamwe nechimwe chikwata chavari kushanda nacho vakashanda zvine simba kuti vatambi vemuno vashevedzwe zvekare kumujaho uyu, naizvozvo vari kumhanya-mhanya kutsvaga rubatsiro rwekuti vagokwanisa kutumira vatambi vatatu ava kunokwikwidza.

“Kare taigara tichitumira vatambi vakawanda kuenda kuOita, kuJapan kunokwikwidza kumujaho uyu, saka patakambomira kutumira, zvakange zvave kunetsa kuti titumire vamwe.

“Takamira-mira kuti tigamuchirwe zvekare tidzoke kumutambo uyu izvo zvakazoona tichipihwa mukana wekukwikwidza gore rino. Tinoda kushandisa mukana uyu totumira shasha nhatu dzinoti Elford Moyo, Stellah Jongwe naMunyaradzi Katiyo.

“Kuenda kwavo kumujaho uyu kuchavhurira mikana yakawanda kuvamwe vatambi avo tinoda kuti makore anotevera tizenge tichivatumirawo kumujaho iwoyu,” anodaro.

Stella Jongwe

Kachange kasiri kekutanga hako kuenda kumujaho uyu kwaMoyo uyo akamboendako kare, asi kachava kekutanga kevamwe vake vanoti Jongwe naKatiyo.

Nyakoko anoti kuvepo kwaMoyo pachikwata chichaenda kuJapan kuchabatsira zvikuru vamwe vake Jongwe naKatiyo kuvaratidza gwara rekufamba naro kuti vabudirire kumijaho mikuru.

“Moyo ndiye akapedzisira kuenda kumujaho uyu makore adarika, saka anoziva kuti chii chinodiwa kuti ugokwanisa kubudirira. Tinoda aende nevamwe vatambi achivatungamirira agovaratidza gwara rekufamba naro sezvo aine ruzivo rwemutambo uyu.

“Tiri kutanga gadziriro dzekuenda kumujaho uyu uye tinokumbira rutsigiro kubva kumasangano akasiyana vatibatsire rwendo rwedu rwekuzoenda kuJapan rufambe zvakanana.

“Tinoda mawiricheya matsva ekuitisa gadziriro uye emhando yepamusoro agobatsira vatambi vedu,” anodaro Nyakoko.

Share This:

Sponsored Links