Zim yosimbaradza hukama neFAO

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Zim yosimbaradza hukama neFAO VaVangelis Peter Haritatos

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE yakabatana nesangano reFood and Agricultural Organisation (FAO) mukuparura chirongwa chekutsigira nyaya dzekurima munyika cheAgrinvest Initiative munguva pfupi yadarika muHarare.

Chirongwa ichi chichaona chikamu chekurima muZimbabwe chichiwanisa veruzhinji mabasa izvo zvichabatsira mukuderedza nyaya dzekutengwa kwezvirimwa kune dzimwe nyika.

Izvi zvinoreva kuti Zimbabwe ndiyo inenge yava kutengesa ichiwana mari yekunze nekuwanisa vanhu kudya kwakakwana.

Vachitaura pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi, mutevedzeri wegurukota rezveminda, kurima, mvura, kusanduka kwemamiriro ekunze uye kugariswa kwevanhu kumaruwa VaVangelis Haritatos vanoti chirongwa ichi chiripo mukutsigira madzimai nevarume avo vane upenyu hunobva mukurima.

“Tinoda kusimudzira madzimai nevarume vanorarama nekurima munyika muno kuti vaende padanho repamusoro. Kana varimi vakawaniswa zvekushandisa neruzivo, vanowanikwa vachipunduka. Tinovimba kuti chirongwa ichi chichabatsira zvekare mukuderedza nzara nekwashi munyika,” vanodaro.

Vanoti chirongwa ichi chichaita kuti chikamu chezvekurima kudya chinge chichikwanisa kuwana rutsigiro rwemari yezvikwereti nenzira iri nyore.

“Chirongwa cheNational Agricultural Policy Framework 2019-2030 neZimbabwe Agriculture Investiment Plan (ZAIPZ) zvine donzvo rekutsigira kurima kuburikidza nekusimudzira nyaya dzezvivakwa uye zvekushandisa, kutora kurima sebhizimusi nekutsigira homwe yezvekurima.

“Vanhu vazhinji vave kusandura mhando yechikafu chavanodya sekuti havachanyanyi kudya sadza vave kuenda kune kumwe kudya kwakareruka kwakadai semupunga, mbatatisi kureva kuti varimi vakangwara vanomhanya kurima zvirimwa zvinofarirwa nevazhinji kuitira kuti vasarasikirwa nemisika,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti nyika iri kusangana nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze akadai sekupisa kwakanyanya, dutu remhepo nemvura yakawanda, kutonhora kwakanyanya nezvimwe izvo zvinopa chitsvambe kuvarimi vemuno kuti vawanikwe vachigadzirira zvakasimba maringe nenyaya dzemamiriro ekunze.

“Kusanduka kwemamiriro ekunze kunogona kuuya nenzira inoparadza zvirimwa apo tinosangana nenyaya dzekuwanda kwetwumbuyu twunoparadza goho uye zvirwere zvinobata zvipfuyo zvinowanda varimi vachigumisira varasikirwa zvakanyanya.

“Kupisa kwakanyanya kunoderedza zvekare nyaya dzemadiridziro apo madhamu nenzizi zvinopera mvura uye zvipfuyo zvinokundikana kuwana mvura yakakwana yekunwa.

“Tinoda zvekare kuvandudza misika yedu kuti itekeshere nenyika pasi rose,” vanodaro.

VaHaritatos vanoti huwandu hwevechidiki vari kukundikana kuwana mabasa hunoreva kuti nyaya dzekurima dzichawandirwa nevechidiki vanova vanhu vachine simba uye njere dzakarodza.

Vanokurudzira zvekare varimi kuti vashandise simba remoto wemagetsi rinobva muzuva mumabasa ekurima akadai semadiridziro, kubika, kuwaniswa chiyedza, kuomesa zvirimwa pakati pezvimwe kuti vasadhurirwe nemagetsi ayo anogara achienda apo neapo.

Vanoti misika yekutengesera zvirimwa inosanganisira yeComesa neSadc.

“Kana varimi vemuno vakawaniswa rutsigiro, vanokwanisa kutora kurima sebhizimusi zvinotipa chiedza takatarisa tarisiro yedu yeMalabo Declaration, zvinangwa zvinoendeka zvemaSustainable Development Goals uye kuti Zimbabwe igozova nevanhu vane upfumi hwavo mugore ra2030,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>