Zim yotamba nePakistan

01 Apr, 2021 - 13:04 0 Views
Zim yotamba nePakistan

Kwayedza

Abel Ndooka

Chikwata chenyika checricket chemaChevrons chakatanga gadziriro dzekusangana nePakistan izvo zvichaona zvikwata zviviri izvi zvichitamba mitambo miviri yeTest match series nemitatu yeTwenty20 International Series (T20I).

Mukushi wemashoko kuZimbabwe Cricket (ZC) — Darlington Majonga — anoti maChevrons achatamba nePakistan musi wa17 Kubvumbi na21 Kubvumbi mutambo weT20I.

Zvikwata izvi zvichazotatsurana zvekare musi wa23 na25 Kubvumbi.

Kana mitambo yeT20I yapera, zvikwata zviviri izvi zvichabandana mumitambo yetest match series apo mutambo wekutanga uriko musi wa29 Kubvumbi uchizopera musi wa3 Chivabvu kozoti wechipiri uchatanga musi wa7 Chivabvu uchipera musi wa11 Chivabvu.

“Pakistan iri kutarisirwa munyika musi wa17 Kubvumbi apo ichauya kuzosangana neZimbabwe mumitambo miviri yetest match nemitatu yeTwenty20 International games,” anodaro Majonga.
Mitambo yezvikwata zviviri izvi yose ichatambirwa paHarare Sports Club munhandare isina vatsigiri senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Majonga anoti mitemo yemunyika muno neWorld Health Organization (WHO) yekudzivirira Covid-19 ichitevedzwa pamitambo iyi.

“Mitambo iyi ichitambirwa pasi pechirongwa chebio-secure bubble zvinoreva kuti vatambi, varairidzi nevose vari kuona nezvemitambo iyi vachagara kure neveruzhinji uye hapana vatsigiri vachatenderwa kusvika pedyo navo.

“Apo mitambo inenge ichitambwa, vatambi vose vachange vachivhenekwa kuti havana here kubatira denda reCovid-19, koti mazuva ose nhandare dzichafafaidzwa kuitira kuuraya hutachiona,” anodaro Majonga.

Mutambo wemaChevrons nePakistan uyu unotevera mumwe wechikwata chenyika ichi neAfghanistan uyo wakatambirwa kuUnited Arab Emirates nguva yadarika.

Share This:

Sponsored Links