Zim yovandudza mabasa ekurima

13 Aug, 2021 - 13:08 0 Views
Zim yovandudza mabasa ekurima Dr Basera

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kuedza kusimudzira kurimwa kwezvekudya zvinovaka muviri uye chikafu chinokwanirana nehuwandu hwevanhu vari munyika kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvinozvino nemichina mukuvandudza nyaya dzekurima, kunyanya apo Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekusanduka kwemamiriro ekunze.

Vachitaura pachirongwa chakaitirwa pamasaisai nemusi weChina apo vakanga vachiparura chirongwa cheZimbabwe Livelihoods Food Security Programme (LFSP), munyori mukuru kubazi rezvekurima, hove, mvura nekugariswa kwevanhu kumaruwa – Dr John Basera – vanoti Hurumende ine chinangwa chekusimudzira goho pamwe nezvipfuyo nekushanda pamwe nemasangano uye makambani akazvimiririra kuburikidza nekushandiswa kweruzivo rwechizvinozvino mukurima.

Chirongwa ichi chakatanga mugore ra2014 nechinangwa chekugadzirisa nhunha dzinosanganikwa nadzo nevarimi vadiki uye chiri kubatsira mukusimudzirwa kwekuwaniswa kwekudya kunovaka muviri.
Chasvika kuvarimi vadiki vanodarika 250 000 zvinoreva kuti chakapinda mumhuri dzinodarika 1,25 miriyoni.
Varimi vari kuita mabhindauko ekuvandudza goho ravo sekurima miriwo nemichero vachigadzira mifushwa uye nyama yechimukuyu, pakati pezvimwe.

Sangano reFood and Agriculture Organisation (FAO) rakabatana nevamwe vatsigiri, kusanganisira Hurumende, vakaparura chirongwa cheLFSP kumatunhu gumi nemaviri muZimbabwe.

Dr Basera vanoti Hurumende yakatora matanho makuru aya nechinangwa chekuona kuti zvinangwa zveVision 2020 zvazadzikiswa apo vanhu vanenge vaine mikana yekuwana mari mumabasa avanobata zvichibatsira kusimudzira upfumi hwenyika.

“Zimbabwe ine chinangwa chekurima chikafu chakawanda nekuwana zvekushandisa zvakawanda mukuvandudza maindasitiri akaita seedonje rinozoshandiswa mukugadzira mbatya nenzimbe dzinogadzira tsvigiri, pakati pezvimwe. Tinofara zvikuru kuti varimi vazhinji vakapinda muchirongwa chePfumvudza chinova chakabatsira mukusimudzirwa hwegoho munyika,” vanodaro.

Dr Basera vanorumbidza sangano reFAO mukutungamira muchirongwa cheLSFO vachibata pamwe nevamwe vatsigiri vanosanganisira World Vision, Practical Action, WHH, HarvestPlus uye Indaba Agriculture Policy Research Institute (IAPRI).

“Tinokwanisa kuvandudza kurima kwedu kuburikidza nekushanda pamwe nemamwe masangano nekupanana ruzivo rwemashandisirwo emichina,” vanodaro.

Mumiriri weFAO munyika muno, Dr Patrice Talla, vanoti sangano ravo richaramba richitsigira varimi nevarimisi mukusimudzirwa kwenyaya dzekurima, kutengeswa kwezvirimwa, kutsigira varimi vekumaruwa nemari uye zvekushandisa mukuvandudzwa kwechikafu kuti chive neutano (bio-fortification).

“Donzvo redu nderekuti nyika dzive nemaguta uye vanhu vange vachirarama upenyu hwakareruka kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvemaSustainable Development Goals mugore ra2030, zvikuru panyaya dzekupedza nzara, hurombo uye kuchengetedzwa kwezviwanikwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey