‘Zim, Zambia Zvakafanana’

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Zim, Zambia Zvakafanana’ Dennis Dauda

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wemaWarriors pamwechete nechikwata cheLusaka Dynamos chekuZambia – Dennis Dauda – anoti nhabvu yekunyika iyi haina kunyanya kusiyana neyemuno uye achiri neshuviro yekuzonotambira kuEurope kana achinge awaniswa mukana.

Mugore ra2014, Dauda akahwina mubairo weSoccer Star of the Year apo aitambira ZPC Kariba achirairidzwa naSaul Chaminuka.

Izvi zvakazomuona achienda kuEurope uko akambonozama raki rake kuchikwata cheCabala chekuAzerbaijan asi zvakaramba ndokudzokera kuZPC Kariba.

Akazobva ndokuzonotambira CAPS United asi ndokubva zvakare achienda kuYadah Stars. Paakazobva kuYadah Stars, ndipo paakaenda kuZambia uko ari kutambira Lusaka Dynamos muchikwata chimwechete naOcean Mushure naNduna Moyo.

Achitaura neKwayedza, Dauda anoti nhabvu yaari kuona kuZambia – uko ari kurairidzwa naIan Bakala – haina kunyanya kusiyana neyemuno kunyangwe hazvo vatambi vazhinji vemuno vari kuenda kunotambira kunyika iyi.

Kare, vatambi vazhinji venhabvu vekuZambia vaiuya kuzotambira muno avo vanosanganisira Bakala uyo akambotambira CAPS United kukazoita vamwe vakaita saLaughter Chilembe aive kuCAPS United zvakare, Derby Mankinka, Charles Chilufya, Webster Chikabala, Kelvin Kaindu nevamwe vakawanda vakambotambirawo muno.

Asi kubvira mumakore adarika zvange zvashanduka, vatambi vemuno ndivo vave kuenda kunotambira kuZambia.

Vamwe vatambi venhabvu vemuZimbabwe vaenda kunotambira kuZambia vanosanganira Partson Jaure, Tatenda Mkuruva, Devon Chafa naNqobizita Masuku.

“Panguva pfupi yandatambira kuZambia ndiri kuzviona kuti hapana chakambonyanyosiyana zvikuru nenhabvu yemuZimbabwe.

“Pamwe inyaya yekuti ndichiri mutsva uye pamberi apo ndichaona musiyano wacho sezvo ndichiri kutanga,” anodaro Dauda.

Mutambi uyu – uyo ave nemakore 31 okuberekwa – anoti nanhasi achiri kushuvira kunotambira kuEurope nekudaro ari kuramba achishanda nesimba kuti chiroto chake chizadzikiswe.

“Mutambi wese wenhabvu ishuviro yake kuti agonotambira nhabvu yake kuEurope nekuti ndiko kune yese uye kunokubatsira kuti ukure semutambi.

“Vari kutambira kuEurope vamwe vanotoda kubva ikoko vachiendawo kumwewo kune maligi makuru ane mari sekuChina,” anodaro Dauda.

Muchinda uyu akamboshevedzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa apo aive achiri kurairidza maWarriors kuti arwire mukana wekuenda kuAfrica Cup of Nations (Afcon) asi haana kuzopinda muchikwata chakaenda kumakwishu aya ayo akaitirwa kuEgypt nguva ichangodarika.

Anoti hazvina kumubata hake sezvo ange asina kumbobvira atamba mitambo yekuenda kumakwishu aya, asi achashanda nesimba kuti agopinda muchikwata chinotevera chicharwira kuenda kuAfcon.

“Ishuviro yemutambi wese kumirira nyika yake uye ini ndinoda chaizvo kuzosarudzwa kutambira nyika yangu kumitambo mikuru yakaita seAfrica Cup of Nations nemimwe.

“Paye pandisina kusarudzwa kuenda kuAfcon hazvina kunyanyondibata nekuti ndaiziva kuti handina kunyanyotamba apo pairwira chikwata kuenda kumakwishu aya, mukazvitarisa vatambi vakaenda ndivo vakatamba mitambo mizhinji,” anodaro.

Anoti hupenyu kuZambia huri kumunakidza sezvo kuzere nezvizvarwa zvemuZimbabwe.

“Hupenyu kuno kuZambia huri kufamba zvakanaka, kunonakidza nekuti kwakazara zvizvarwa zvizhinji zvemuZimbabwe saka tinogara tichisangana tichikurukura sekunge tiri kumusha,” anodaro Dauda.

 

Share This:

Sponsored Links