Zim@43: Vatema vasimudzwa nefodya

18 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
Zim@43: Vatema vasimudzwa nefodya ZIM@43

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VEMAKAMBANI anotengesa fodya vanoti rusununguko ruzere rwenyika ino rwaona kusimudzirwa kwakanyanya kwekurimwa kwechirimwa ichi nezvimwe.

Zimbabwe isati yawana kuzvitonga kuzere, fodya yairimwa nevachena chete muno.

Izvi zvaikonzerwa nekuti Hurumende yevachena yakange yakadzika mitemo yaidzvanyirira vatema kuti vatadze kurima fodya.

Muzvare Rudo Boka, avo vanova chief executive officer wekambani yeBoka Auction Floors (BTF), vanoti rusununguko rwenyika ino rwakaunza kutambanuka mumabasa mazhinji.

“Boka ndiyo yakava kambani huru pasi rose inotengesa fodya mushure mekunge vanhu vatema vapindawo mukurima chirimwa ichi. SeBoka, takwanisa kutambanuka mune zvakawanda, kusanganisira mukurimwa kweChia inova inorimwa kunyika dzemhiri nezvimwe zvirongwa zvakasiyana zviri mugwara rekuitwa. Zvose izvi zvinobva mukusununguka kwenyika,” vanodaro Muzvare Boka.

Vanoti kuburikidza nekuzvitonga kuzere, kune madzimai mazhinji vari kukwanisa kuvamba mabhizimisi akatsaukana avo vabudirira zvakanyanya.

Rudo Boka

“Tava nemadzimai vari mumabhizimisi akasiyana nekuda kwekuzvitonga kuzere kwenyika, izvi zvinotendwa nekuti mitemo yenyika yava kuenzanisa mikana pakati pevanhurume nemadzimai,” vanodaro Muzvare Boka.

VaOwen Murumbi, vanova executive director wePremier Tobacco Auction Floors (PTAF), vanotiwo kuzvitonga kuzere kunofanirwa kukosheswa nemunhu wose.

“Tinawo makambani anotengesa fodya sevanhu vatema nekuda kwerusununguko rwenyika uye tiri kubatsirana nevanhu vatema mukurimwa kwefodya iyi chinova chirimwa chairimwa nevachena chete tisati tawana rusununguko. Saka tiripo kukorokotedza Zimbabwe yedu nemakore 43 ekuzvitonga kuzere,” vanodaro VaMurumbi.

VaOwen Murumbi

Vanoti chimwe chinhu chinofadza ndechekuti vanhukadzi vari kurima fodya vawanda.

“Madzimai vaitarisirwa pasi mune zvose kare, asi nhasi uno munyaya dzekurimwa kwefodya madzimai vari kukwikwidzana nevarume zvaisaitika kare,” vanodaro VaMurumbi.

Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, vekuMhondoro avo vanove murimi wefodya, vanoti vanofara kuti vari kurima chirimwa ichi nezvimwe munyika yakasununguka.

Mambo Ngezi

“Varungu vachiuya mugore ra1890, vakasvikotora chikamu chevhu redu chepakati nepakati ndokutanga kurima fodya nezvimwe zvirimwa. Vakavambawo makambani anotengesa fodya yavo uko kwaisabvumidzwa varimi vechitema, chedu vatema taishandiswa kurima fodya iyi mumapurazi pasina chataiwana,” vanodaro Mambo Ngezi.

Kutengesa fody

“Pakazouya rusununguko mugore ra1980, mbambo dzemuvengi dzakasunungurwa, vanhu vatema ndokutangawo kupinda munyaya dzekurima fodya. Varimi vatema ndivo vawanda mukurimwa kwefodya uyewo tava nemakambani evatema anotengesawo fodya akaita seBoka Auction Floors nePremier Tobacco Auction Floors izvo zvaisawanikwa munguva yehutongi hwevachena.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey