Uncategorized

Zimbabwe: Chava kudiwa kushanda

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

NEMUSI weSvondo wadarika, zviuru nezviuru zvevanhu zvakaungana kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, uko kwaigadzwa mutungamiriri wenyika, President Mnangagwa, zvichitevera kukunda kwavakaita musarudzo dzakaitwa mwedzi wadarika.

Pagungano iri paive nevatungamiriri vedzimwe nyika, kusanganisira mukuru wesangano renyika dzemuAfrica, reAfrica Union (AU), President Paul Kagame vekuRwanda.

Vamwe vaive pagungano iri zvakare vatungamiriri vemapato anopikisa vanosanganisira Dr Thokozani Khupe vebato reMDC-T.

Chiitiko ichi chinokosha zvikuru nekuti kugadzwa kwaPresident Mnangagwa chiratidzo chekutanga kwebasa guru ravachaita neHurumende yavo itsva rekutungamirira Zimbabwe kwemakore mashanu ari kutevera.

Chakakosha pari zvino kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira budiriro yenyika. Nekuti hakune imwe nyika yaunoti yako kunze kweino  — Zimbabwe. Sekutaura kwaPresident Mnangagwa apo vakagadzwa naChief Justice Luke Malaba, iye zvino yave nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvichishanda pamwe chete kuti nyika ibudirire, ifambire mberi.

President Mnangagwa vanoti nguva yesarudzo yakadarika uye chava kudiwa kushanda nesimba kuti upfumi hwenyika huchisimukira.

Mutungamiriri wenyika vane chido chekuti vanhu vemuZimbabwe vabatane mukushandira nyika uye izvi zvinoonekwa nekutambanudza kwavakaita mawoko avo kune vavaikwikwidzana navo musarudzo, kusanganisira mukuru webato reMDC Alliance – VaNelson Chamisa – vachiti vanofanirawo kubatsira mukuona kuti munyika mune runyararo kuburikidza nekudzikamisa vatsigiri vavo.

Kunyangwe dzimwe nyika dzepasi rose dziri kukurudzira kuti munyika muve nerunyararo kuitira kuti mugova nebudiriro.

Asi zvisinei nezvose izvi, bato reMDC Alliance harizi kuonekwa kwarakangana chaiko kuita sezviya zvinoitwa nenyoka yetsvukuviri ine misoro miviri.

Kushandira budiriro yenyika hakuite zvekumanikidzirwa kana kunyengererwa, asi kuti zvinoda vane mwoyo inoda.

Nekudaro vanoda kushanda nesimba kuti muZimbabwe zvinhu zviendeke vachashanda uye vasingade vachasara shure, vazopepuka vamwe vave mberi.

Pane matambudziko ane chitsama akatarisana neZimbabwe ayo Hurumende itsva inotarisirwa kutora matanho akasimba kuagadzirisa.

Matambudziko aya anosanganisira kushomeka kwemari yemusvo mumabhanga nekukwira kwemitengo yezvinhu zvinosanganisira zvekudya.

Kukwira kwemitengo yezvinhu uku kwakatanga mumazuva akaitwa sarudzo zvekuti munhu unobva wazvishairwa shumo yazvo, zvisinei nezvikonzero zviri kupihwa nevezvitoro.

Nerimwewo divi, nguva pfupi iri kutevera, varimi vanenge vave mushishi kurima. Nekudaro vanoda zvekushandisa zvakadai sembeu nefeteraiza, izvo Hurumende yaPresident Mnangagwa yakatotanga kuvapa kare. Ndiko kugonaka uku!  Naizvozvo Hurumende inofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuenderera mberi kwairi kuita nechirongwa chekubatsira varimi nezvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Inputs Support Scheme.

Varimi vakawanda vatove nembeu nemafetireza mudzimba – vangomirira kuti mvura ichituruka vorima, Zimbabwe yova nemaguta.

Tarisiro huru yeruzhinji muZimbabwe ndeyekuti dare guru reCabinet richagadzwa rive rizere nemhare kana kuti makurukota akazvipira kushandira budiriro yenyika.

Share This:

Sponsored Links