Muchaneta Chimuka
CHIKAMU chinogadzira mafetireza chiri kusimukira zvikuru munyika muno zvichitevera kuvhurwa kwemuzinda mutsva wechizvino-zvino unogadzira fetireza kuNorton nguva pfupi yadarika apo Zimbabwe iri kuda matani 630 000 pagore.
Rutsigiro rweUS$1 miriyoni kuchikamu ichi rwuchabatsira mukusimudzira goho rekurima uye kuwana chikafu.
Zimbabwe yanga yakatarisana nedambudziko rekudhura kwefetireza izvo zvaiona ichitenga kubva kunze kwenyika pachishandiswa mari inosvika US$800 miriyoni mumakore mashanu adarika.
Muzinda mutsva uyu unogadzira fetireza weFertop Agriculture Fertilizer Plant kuNorton unoshanda uri pasi peHeliconvest Investment Private Limited neMoreharvest Compound uye unotarisirwa kubatsira zvikuru mukuderedza nyaya dzekutengwa kwefetireza kubva kune dzimwe nyika.
Vachitaura pakuvhurwa zviri pamutemo kwemuzinda uyu, munyori mukuru mubazi rezveminda, kurima, hove, mvura nekusimudzirwa kwemaruwa — Professor Obert Jiri — vanoti kuparurwa kwemuzinda uyu kwauya panguva iyo nyika yatarisana nemwaka wechando wekurima.
Vanoti fetireza yakakosha munyaya dzekurima sezvo ichideredza kurasikirwa negoho kuvarimi, zvikuru munguva ino yekusanduka kwemamiriro ekunze.
“Kumutsiridzwa kwechikamu chezvekurima munyika ino kwakakosha mukusimudzira kuwaniswa kwechikafu chakakwana zvichiitawo kuti varimi vawane zvekushandisa nemitengo yakaderera. Ibasa redu kuona kuti nyika yawana fetireza yemhando yepamusoro inogona kushandiswa nevarimi kuti vawane chikafu chemhando yepamusoro tichirwisa nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze idzo dziri kukanganisa goho. Ndinoshuvira kuona mhando yefetireza yeFertop Agriculture munyika yose,” vanodaro.
Prof Jiri vanoti kuburikidza nemikana iripo yekugadzira matani mazana matatu pazuva, zvinoratidza kuti Zimbabwe iri mugwara rakanaka rekubura goho regutsaruzhinji.
Gurukota reHurumende rinomirira Mashonaland West, Cde Marian Chombo, vanotenda kuvambwa kwemuzinda uyu vachiti kuchabatsira zvakanyanya mukusimudzira goho redunhu ravo.
“Sekuziva kwamunoita, dunhu rino rinozivikanwa nezita rekuti Mash Best mukurima, kudyara kukuru uku kuchaita kuti tirambe tichiburitsa nhoroondo itsva mukurimwa kwembesa dzose. Uhwu huchapupu hwekuendesa masimba kumatunhu kunogarotaurwa nemutungamiri wenyika President Emmerson Mnangagwa,” vanodaro.
VaIvan Craig, avo vanova sachigaro weAgriculture and Rural Development Authourity (ARDA), vanoti muzinda uyu uchabatsira mukuvandudzwa kwehuwandu hwefetireza inogadzirwa munyika zvinova zvicharerutsa upenyu hwevarimi vekumaguta nevekumaruwa.
“Kana tichitarisa nyaya dzekurima, chekutanga tinofunga zvekushandisa zvinodiwa mukurima, saka varimi havangakwinisi kudzokera kuminda kana vasina mbeu, fetireza nezvimwe zvinodiwa. Tinofara zvikuru kuti nzvimbo yeNorton yava nemuzinda unogadzira fetireza zvichireva kuti tichange tava nefetireza yakawanda munyika.
“Tine tarisiro yekuti makambani akawanda ange achivhurwa izvo zvinobatsira mukuderedzwa kwemitengo yefetireza munyika kuti tikwanise kuzadzikisa zvinangwa zveVision 2030 zviri maringe nebudiriro yenyika inobva mukurima,” vanodaro.
Muzinda weFertop Agriculture Fertilizer Plant uchagadzira fetireza yemhando inosanganisira Compound S, Compound D, Compound C, Cereal neCotton Double D, Urea AN, neCalcium Nitrate.