Zimbabwe, Ireland zvobandana

12 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Zimbabwe, Ireland zvobandana MaChevrons

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika checricket chemaChevrons chiri kupinda muhondo svondo rino apo chichasangana necheIreland mumitambo mitanhatu inoti mitatu yeTwenty20 International Series nemitatu yeOne Day International Series.

Mitambo yese yezvikwata zviviri izvi ichatambirwa kunhandare yecricket ine mukurumbira yeHarare Sports Club.

Mutambo wekutanga weTwenty20 Series uchatambwa svondo rino nemusi weChina, wechipiri nemusi weMugovera uye wekupedzisira uchizotambwa nemusi weSvondo.

Kana vapedza kutatsurana mumitambo yeTwenty20, yeODI inozotanga svondo rinotevera nemusi wa18 Ndira.

Mutambo wechipiri weODI uchatambwa musi wa21 Ndira kuchiti wekupedzisira uchatambwa nemusi wa23 Ndira.

Muchinyorwa, Hamilton Masakadza anove director of cricket kuZimbabwe Cricket (ZC) anokurudzira vatsigiri kuti vaende nehuwandu hwavo kunotsigira chikwata chavo izvo vange vachiita mwedzi mitanhatu yadarika pange pachitamba maChevrons.

“Vatsigiri vedu ngavauye nehuwandu hwavo, sezvavange vachiita mumwedzi mitanhatu yadarika kuti mutambo wezvikwata zviviri izvi ugonakidza,” anodaro Masakadza.

Munguva pfupi yadarika, ZC yange iri pakati pekuita huruhuro neIreland kuti mumwe mutambo wavo weODI ushandurwe zuva rekutambwa uyo wange uchifanirwa kutambwa nemusi wa20 Ndira kuti ugotambwa nemusi wa21.

Chikumbiro ichi chakagamuchirwa izvo zvakatendwa neZC sezvo musi wa21 uri Mugovera kuchiwanzouya vatsigiri vemaChevrons vakawanda.

Masakadza anoti: “Tine kutenda kukuru kuhama dzedu dzeCricket Ireland nekubvuma kuti tishandure hurongwa hwemitambo yedu navo tibvise mutambo wechipiri weODI kubva musi weChishanu ugotambwa zuva rinotevera tigopa vatsigiri vedu mukana wekuuya kuzoona mutambo uyu, zuva iro vazhinji vacho vanenge vasiri kuenda kumabasa.”

Gary Balance, uyo akadzoka kuzotambira cricket yake muZimbabwe, achange ari muchikwata chemaChevrons chichasangana neIreland.

Nerimwe divi, Sikandar Raza, uyo gore radarika aitamba cricket zvinonwisa mvura, akapihwa mvumo yekumbonotamba cricket kune imwe nyika nekudaro anenge asimo muchikwata chemaChevrons.

Zvakadaro ZC yakazivisa kuti vatsigiri vecricket vave vasharukwa nevadzidzi vanenge vakapfeka yunifomu dzavo vese vachapinda pachena kuzoona mitambo iyi.

Share This:

Sponsored Links