‘Zimbabwe iri mugwara’

22 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
‘Zimbabwe iri  mugwara’

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUMIRIRIRI wePalestine muZimbabwe, Ambassador Tamer Almassri, vorumbidza nyika ino nebasa guru rairi kuita mukurwisa chirwere cheCovid-19, kusanganisira budiriro yechirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Muhurukuro neKwayedza, Ambassdor Almassri vanoti Hurumende yenyika ino iri kushanda nesimba kurwisa kupararira kwechirwere ichi icho chakonzera matambudziko makukutu pasi rose.

Vanoti vakasvika muno mwedzi mitatu yadarika uye nyika yavo ine chishuwo chekusimbabradza kudyidzana kwayo neZimbabwe.

Ambassdor Almassri vanoti chirongwa chekubaiwa nhomba dzeCovid-19 muZimbabwe chakarongeka zvikuru kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika dziri kudunhu reEurope uye izvi ndizvo zvakaita kuti vabaiwe majekiseni aya munyika muno.

“Hurumende yeZimbabwe, ichitungamirirwa naPresident Mnangagwa, iri kushanda nesimba muchirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni.

“Hurumende iri kuita kuti zvive nyore kuvamiriri vedzimwe nyika nemhuri dzavo kuti vabaiwe majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19. Ndinoda kutora mukana uno kukurudzira hanzvadzisikana dzangu nevakomana nevan’inina vangu muZimbabwe kuti ngatitevedzerei zviri kutaurwa neHurumende tibaiwe majekiseni kuitira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira,” vanodaro.

Ambassdor Almassri vanoenderera mberi vachiti, “Rimwe rematambudziko makuru akatarisana nevatungamiriri venyika pasi rose, kuwana mushonga wemujekiseni wekudzivirira Covid-19. Asi, hutungamiriri hwemuZimbabwe huri kubudirira zvikuru uye kukunda panyaya yekuwanikwa kwemajekiseni aya.”

Zimbabwe iri kurumbidzwa pasi rose, kusanganisira nesangano reWorld Health Organisation (WHO) nekuda kwematanho akasimba airi kutora mukurwisa kupararira kweCovid-19.

Svondo rapera, nyika ino yakazadzikisa tarisiro yeWHO yekuti chikamu che10 percent chevanhu vose vari munyika vange vadzivirirwa zvizere kubva kuCovid-19 panopera mwedzi waGunyana.

Izvi zvinotevera kubaiwa kwaitwa majekiseni ekutanga (1st dose) neechipiri (2nd dose) kuvanhu vanodarika 2 miriyoni muZimbabwe izvo zvakaona vanhu ava vachidziviriwa zvizere kubva kudenda iri.

Ambassdor Almassri vanoti kudyidzana kweZimbabwe nePalestine kwakabvira kare munguva yehondo yerusunguko rwenyika ino nekudaro kunofanirwa kuramba kuchisimbaradzwa.

“Tiri vanhu vamwe chete, dambudziko reZimbabwe idambudzikowo rePalestine uye kudyidzana kwedu kwakabva kure nekudaro kunofanirwa kuramba kuchisimbaradzwa,” vanodaro.

Zimbabwe, vanodaro Ambassdor Almassri, iri kubudirira zvikuru mumatanho airi kutora munyaya dzekusimudzira upfumi hwenyika zvisinei nezvirango zvayakatemerwa zvisiri pamutemo nedzimwe nyika dzekumadokero.

Vanoti zvimhingamipinyi zviri kusangana neZimbabwe nekuda kwevavengi ndizvo zvimwe chete zvakatarisana nenyika yavo uye zvichikonzerwa nevavengi zvakare.

Share This:

Sponsored Links