Zimbabwe yakashaina. . . yakaita No. 4 panyika 81

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Zimbabwe yakashaina. . . yakaita No. 4 panyika 81 Knowledge Chikundi (kuruboshwe) aine vamwe vevana vakanomirira Zimbabwe kumakwikwi evechidiki ezvigadzirwa zveSainzi, e69th Intel International Science and Engineering Fair, ayo akaitirwa kuPennsylvania, kuUnited States nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Daphne Machiri
ZIMBABWE yakadadisa nguva pfupi yadarika apo yakahwapura mukombe wechina pakati penyika 81 dzepasi rose mumakwikwi evechidiki ezvigadzirwa zvesainzi e69th Intel International Science and Engineering Fair ayo akaitirwa kuPennsylvania, kuUnited States nguva pfupi yadarika.

Pamakwikwi aya, Zimbabwe yaive pakati pedzimwe nyika dzaimirira Africa idzo dzinosanganisira South Africa, Ghana, Egypt, Tunisia neNigeria uye aka ndekechitatu nyika ino ichienda kumakwikwi aya.

Mukuru weZimbabwe Science Fair, Knowledge Chikundi, anoti Zimbabwe yaimiririrwa nezvikoro zvitatu zvinoti Queen Elizabeth Girls High School, Zimbabwe Republic Police High School neIrene Christian.

Chikundi anoti nyika ino yakatora mukombe wechina mumakwikwi ezvigadzirwa zvePhysical Sciences apo vechidiki ava vakaratidzira muchina unogadzira patsva mapamper (diapers) evana anenge ashandiswa kuitira kuti ashande zvakare.

“Vana vakakwikwidza vaive 1 792 kubva kunyika 81 dzepasi rose avo vairatidza zvakasiyana-siyana. Zimbabwe yakaratidza zvigadzirwa zvayo muchikamu chePhysical Science.

“Zviratidzwa izvi zvaisanganisira muchina unogadzira patsva zvipfeko zvevana zvemadiapers kuitira kuti ashandiswe zvakare pane kuti araswe,” anodaro Chikundi. Memory Bvungo – uyo anodzidza paIrene Christian – ndiye akagadzira muchina wemapamper uyu.

Memory anoti anonzwa manyukunyuku nekutora kwakaita Zimbabwe mukombe wechina.
“Ndakagadzira muchina uyu nedonzvo rekuti vanhu vasarase madiapers ane tsvina nekuda kwekuti vana vakabviswa madiapers, vanaamai vari kuarasa pose-pose zvinova zvinogona kuita kuti zvirwere zvemanyoka zvipararire nekusvibisa nharaunda,” anodaro.

Chikundi anoti pakusarudza vana vanonomirira Zimbabwe kumakwikwi akadai, vanotenderera muzvikoro kumatunhu ose enyika vachitsvaga shasha dzechidzidzo cheSainzi.

“Iye zvino tava nevana vakawanda vatinokwanisa kushanda navo vachimirira nyika muzvidzidzo zveSainzi. Zvakare, tinoita sarudzo idzi gore negore nekuda kwekuti vamwe varipo vanenge vapedza zvidzidzo zvesekondari, vave kuenda kumayunivhesiti nemakioreji,” anodaro Chikundi. Anoenderera mberi achiti, “Donzvo redu seScience Fair kufambirana nechirongwa chekukurudzira zvidzidzo zveScience, Technology, Engineering neMathematics (STEM) pamwe neNew Curriculum mukuvandudza dzidzo yemuZimbabwe.” Anotenda zvikoro nerutsigiro rwazvinopa kuchirongwa ichi.

“Tinotenda zvikoro nevabereki vakatsigira kuti tiende kumakwikwi aya,” anodaro Chikundi.
Vamwe vevana vakanomirira Zimbabwe kumakwikwi aya vakaratidza muchina wemagetsi anobva mumarara kana kuti ndove, webiogas.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey