Uncategorized

Zimbabwe yorwisa nzara

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Zimbabwe yorwisa nzara Mai Kudzai Chavunduka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO reZimbabwe Civil Society Organisations Scaling Up Nutrition Alliance (ZCSOSUNA) rinoti zvakakosha kusimudzira chirongwa chekunzvera nyaya dzeutano zviri maringe nekuwanisa veruzhinji chikafu chinovaka muviri.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa nesangano iri muHarare nguva pfupi yadarika uye chirongwa chemhando iyi chiri kutarisirwa kuitwa pamusangano mukuru weGlobal Nutrition for Growth Compact kuJapan mumwedzi waZvita gore rino.

Mai Kudzai Chavhunduka, avo vanova murongi kusangano iri –  iro riri kutsigira chirongwa ichi muZimbabwe rakabatana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana – vanotenda Hurumende nekutsigira nyaya dzeutano.

“Zimbabwe ndeimwe yenyika dzichanopinda mumusangano mukuru uchaitirwa kuJapan mumwedzi waZvita gore rino. Izvi zvinotevera musangano werudzi urwu uyo wakaitwa nomusi wa8 Chikumi 2013, apo vatungamiriri venyika dzepasi rose vakasainirana chibvumirano chine chinangwa chekuderedza kuondoroka kwevana vangasvika 20 miriyoni pamwe nekuchengetedza upenyu hwevanhu 1.7 miriyoni mugore ra2020.

“Izvi zvakabva zvaita kuti pave nekuvambwa kwechirongwa cheGlobal Nutrition for Growth Compact icho chakazadzikiswa nevatsigiri 90 vanosanganisira vari mumabhizimusi, nyanzvi dzesainzi nevanhu vari munharaunda pakati pevamwe,” vanodaro Mai Chavunduka.

Vanoti chinangwa chikuru ndechekurwisa nzara nekusimudzira utano hweveruzhinji kuburikidza nekuona kuti vawaniswa kudya kune utano nerutsigiro rwehomwe ye$4,15 bhirioni.

“Chinangwa cheGlobal Nutrition for Growth Compact kuzadzikiswa kwezvinofanirwa kuitwa mugore ra2020 zvinosanganisira kusimudzirwa kwekuwaniswa chikafu chinovaka muviri kumadzimai 500 miriyoni akazvitakura nevana,” vanodaro.

Vanoti kune nyika gumi nepfumbamwe dziri muchirongwa chekusimudzira nyaya dzekutsigira utano kuburikidza nekuwaniswa kwechikafu chinovaka muviri.

Hurumende dzenyika 15 dziri muchirongwa ichi dzakaita chitsidzo chekusimudzira kudya kunovaka muviri uye nyika 13 dzakabva dzadzika pasi zvinangwa zvezvadzichaita kuti dzideredza nyaya dzekupfupika uye kuondoroka kwevana zvichitevera kushaikwa kwekudya kunovaka muviri (stunting reduction targets) kana kupfurikidza zvinangwa zveWorld Health Assembly Goals 2025.

Vari muzvirongwa zvekusimudzira nyaya dzeutano vanoti vanofara nekusainirana chibvumirano cheGlobal Nutrition for Growth Compact

Zimbabwe inotsigira zvirongwa zvekuti vanhu vawaniswe kudya kwakakwana uye kune utano kuitira kuti nyika isimukire sezviri mumagwaro eScaling Up Nutrition Framework ayo ane chinangwa chekuona kuti vanhu vawaniswa chikafu uye kusimudzirwa kwenyaya dzeutano nechikamu che80 percent mugore ra2020.

“Kuti utano hwenyika husimukire, panoda zvekare kusimudzirwa munyaya dzedzidzo, utano, chengetedzo uye nyaya dzekurima.

“Munhu wose ane kodzero yekuwaniswa kudya sezviri mubumbiro remutemo,” vanodaro Mai Chavunduka.

 

Share This:

Sponsored Links