Zimpapers Cancer Power Walk yopembedzwa

05 Nov, 2024 - 08:11 0 Views
Zimpapers Cancer Power Walk yopembedzwa Zvimwe zvaiitika pachirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk muguta reHarare

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vopembedza chirongwa chekambani huru mune zvenhau munyika muno cheZimpapers Cancer Power Walk 9th Edition chakanangana nekuunganidza mari yekubatsira varwere vegomarara icho chakaitwa kunzvimbo dziri kumativi mana enyika neMugovera wadarika.

Pasi pechirongwa ichi — icho chakaitwa munzvimbo dzinosanganisira muguta reHarare, Bulawayo, Mutare neGweru — veruzhinji vakafamba, kuchovha mabhasikoro pamwechete nekumhanya mitunhu inobvira pamakiromita mashunu kusvika gumi.

Chakaitwa pasi pedingidnira rinoti : “Famba, Mhanya, Chovha Bhasikoro nenzira Yekubetesera”.

Vachitaura pachirongwa chakaitirwa muguta reHarare, chamangwiza weZimpapers, VaPikirayi Deketeke, vakatenda vatsigiri vese avo vakaita kuti zvirongwa zvakaitwa kumativi mana enyika zvibudirire.

“Tinokutendai nerutsigiro rwenyu mukubatana nesu kwemakore mazhinji mukurwisa chirwere chegomarara chinova chisina rusarura kuti uri mupfumi kana murombo here uye kuti uri werudzi rwupi. Saka zvinoda mukomberanwa kuti tiwanikwe tichichirwisa. Mari yatinounganidza kubva pachirongwa ichi tinoiendesa kusangano reIsland Hospice iro ratakanyorerana naro pasi chibvumirano chemushandirapamwe kuti vabatsire varwere vegomarara, zvikuru sei avo vari panhowo vanoda rutsigiro rwakasimba. Rambai muchititsigira kuti tisimbaradze nyaya dzeutano hwevamwe vedu vari kushungurudzwa nechirwere ichi,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Mai Dorothy Muchowo vanova administration and human resources officer kuIsland Hospice vakakurudzira vanhu vari munharaunda kuti vasasarura vane chirwere chegomarara asi kuti vavatsigire nepose pavanogona napo.

“Chirwere chegomarara chinoshungurudza kwenguva ndefu nokudaro tinokurudzira vatariri vevarwere kuti varambe vaine mwoyo murefu wekubatsirana navo kuti vasazowanikwa vava kushungurudzika mupfungwa. Tava namakore anodarika masere tichishanda pamwechete nekambani yeZimpapers mukutsigira vanhu vane chirwere chegomarara. Mari yatinopihwa nekambani iyi inotibatsira kuti titenge mishonga nezvimwe zvinodiwa uye tava kukwanisa kupinda kunyangwe kumaruwa kwakadai sekwaMurehwa nedzimwe nzvimbo,” vanodaro.

Kubva musi wa1 kusvika 30 Mbudzi gore negore, pasi rose rinobatana kucherechedza chirwere chegomarara reduriro revarume (prostate cancer).

Panguva imwechete iyi, sangano reIsland Hospice rinenge richicherechedzawo kusvitsa kwaro makore 45 kubva parakavambwa.

Mumwe wevatsigiri vechirongwa chekurwisa kupararira kwegomarara, Sandra Manjonjo anova pharmacist kuHarare Oncology Pharmacy anoti zvakakosha kuti vanhu vaite katsika kekunovhenekwa chirwere ichi nguva nenguva kuti chikwanise kurapwa nguva iripo.

“Kazhinji, tinoona vanhu vachizouya kuchipatara vava paStage 3 kana 4 yegomarara mushure mekumboedza kushandisa mishonga yechivanhu kana kumbonobvunzira kumaporofita. Kunonoka kurapwa kwechirwere ichi kunoreva kuti munhu anogona kupedzisira arasikirwa neupenyu kana kuremara. Iriko mishonga inorapa gomarara richipera kana richinge rakurumidzirwa sekupupura kunoita vamwe vanhu vakambobatwa nechirwere ichi vakarapika,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links