Zimpapers yakabatsira chikoro

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru mune zvenhau muZimbabwe, yeZimpapers, svondo rapera yakapa marimba kuchikoro cheGert Nel Government Primary School icho chiri kuChartswoths, kwaGutu. Zimpapers yaita izvi nechinangwa chekusimudzira zvidzidzo zvemitambo, tsika nemagariro.Marimba aya akapihwa kuchikoro ichi pazuva raipihwawo zvitupa kuvana veEarly Childhood Development (ECD) pasi pedingindira rinoti, “Budiriro inobva mukubatana” kureva kuti zvikoro zvinokwanisa kubudirira kana zvikadyidzana neHurumende nemamwe mapoka akazvimiririra.

Vachitenda rubatsiro urwu, vaive vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, Mai Margareth Munyaradzi, vanoti marimba aya achasimudzira zvidzo zvemutambo.

“Kunyangwe chikoro chedu chiri kumaruwa kudai, tinofara kuti chiri kungofambirana nezviri kumaguta nekuti tave nemidziyo yakadai semarimba inova inowanza kuwanikwa kuzvikoro zvakabudirira. Tiri kufambira mberi neruzivo rwechizvino-zvino apo takawaniswawo makombiyuta 34 kubva kuvatsigiri.

“Tiri kungochema nedambudziko remvura, kuti kudai tachererwawo chibhorani chinotiwanisa mvura yakachena nenhandare yakanaka yekuitira mitambo kuti vana nevadzidzisi vange vachibatsirikana,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, mumiririri weGutu West mudare reNational Assembly, Cde Tongai Muzenda, avo vanove patron wechikoro ichi, vanotsidza kuti vacharamba vachichibatsira, kunyanya munyaya dzezvivakwa.

“Tichaona kuti chikoro chino chaiswa ruzhowa nezvivakwa zvakanaka kuitira kuti vana nevadzidzisi vaite basa ravo murunyararo,” vanodaro. Mutauriri weZimpapers, Beatrice Tonhodzayi, anoti kambani yavo yakaona zvakakosha kubatsira chikoro ichi mushure mekunge chakumbira rubatsiro.

“Takaona kuti zvakakosha kuti titenge marimba nekuti anobatsira mukusimudzira zvipo zviri muvana nekuti handi vose vana vanogona zvemabhuku, asi kuti vamwe vane zvipo zvakasiyana zvinogona kubuda kuburikidza nekuwaniswa zvekushandisa munyaya dzemitambo vachizotoita vanhu vane mbiri,” anodaro.

Gert Nel Government Primary ine vana 419 nevarairidzi gumi nevatanhatu uye pachikoro apa panoitwa zvidzidzo zvekubika, kusona, kurima nezvimwe zvinobatsira vadzidzi kuti vange vachiita sarudzo yemabasa mushure mekupedza zvidzidzo.

Share This:

Sponsored Links