Uncategorized

Zimpapers yakabatsira vanorarama nehusope

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Zimpapers yakabatsira vanorarama nehusope Tonhodzayi (kurudyi) achitambidza VaBruce Nyoni laptop yakapihwa Albino Trust of Zimbabwe neZimpapers.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
KAMBANI huru yadzo mune zvenhau, yeZimpapers Goup, nemusi weMuvhuro svondo rino yakapa rubatsiro rwe”laptop” kusangano reAlbino Trust of Zimbabwe senzira yekusimudzira vechidiki vanorarama nehusope kuti vange vachifambirana neruzivo rwechizvino-zvino mukufambiswa kwemashoko.

Achitaura pakutambidzwa kwelaptop iyi, Beatrice Tonhodzayi, uyo anova Public Relations and Corporate Affairs Manager weZimpapers, anoti rubatsiro urwu ndechimwe chikamu chemabasa ekubatsira vanotambura icho chiri kuitwa nekambani huru iyi mukudzorera kunharaunda dzainodyidzana nadzo.

“Sangano reAlbino Trust of Zimbabwe rakauya kwatiri vachida kubatsirwa nelaptop, saka sevechidiki vachiri kukura, takaona zvakakosha kuvabatsira nekuti ndicho chimwe chezvikamu zvehurongwa hwedu sekambani kuwanikwa tichiita mabasa etsitsi munharaunda dzatinoshandira. Vanhu vanorarama nehusope vane matambudziko akawanda anoda rutsigiro rwedu, nokudaro zvinoda mushandirapamwe wenharaunda kuti vabatsirwe.

“Tiri munguva iyo vazhinji vari kumhanyidzana neruzivo rwechizvino-zvino nokudaro takaona zvakakosha kuti chikwata ichi chinge chiine muchina wacho wekombiyuta uye ticharamba tichivabatsira.”

Tonhodzayi anoenderera mberi achiti vanhu vanorarama nehusope vazhinji vavo vanotambudzwa nezvirwere zvegomarara, zvikuru reganda nokudaro Zimpapers iri kuita mabasa makuru ekufundisa veruzhinji nezvechirwere ichi uye nezvimwe zvisina zviratidzo zviri pachena seBP.

Tonhodzayi anopembedzawo mabasa ari kuitwa nekambani yeZimplats apo iri kutsigira vanorarama nehusope kuburikidza nekuvawanisa mafuta anobatsira mukutanda zuva (sunscreen lotions).

VaBruce Nyoni, avo vanova director weAlbino Trust of Zimbabwe, vanotenda Zimpapers nerubatsiro urwu vachiti rwuchavabatsira kuti vakwanise kuita mabhindauko akasiyana vachifambisa mashoko nedandemutande. Zvichakadai, vechidiki ava vanoti vane hurongwa hwekuti vange vachizvigadzirira mafuta anotanda zuva senzira yekuderedza dambudziko rechirwere chegomarara mavari.

Share This:

Sponsored Links