Zimpapers yapa $20 miriyoni

28 Nov, 2022 - 15:11 0 Views
Zimpapers yapa $20 miriyoni

Kwayedza

SENZIRA yekurwisa chirwere chegomarara, kambani huru mune zvenhau munyika muno yeZimbabwe Newspapers (1980) Group nhasi yapa chipo che$20 miriyoni kusangano reIsland Hospice and Healthcare, muHarare. Mari iyi yatambidzwa kuna executive director weIsland Hospice and Healthcare, VaMudiwa Mundawarara nachamangwiza weZimpapers VaPikirayi Deketeke sechikamu chemari yakawanikwa kubva kuchirongwa cheZimpapers Annual Cancer Power Walk icho chakaitwa muHarare, Bulawayo, Mutare, Gweru, Masvingo nekuKariba nguva pfupi yadarika.

Share This:

Sponsored Links