Zimpapers yobatsira kurwisa gomarara

12 Nov, 2021 - 18:11 0 Views
Zimpapers yobatsira kurwisa gomarara Cde Paradza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru mune zvenhau munyika muno yeZimpapers yasimbaradza chirongwa chayo chekurwisa denda regomarara uye neMugovera uno ichaita chikamu chechitanhatu apo vanhu vachafamba nehuwandu hwavo senzira yekurwisa chirwere ichi vachikusha mashoko echenjedzo kune veruzhinji.

Chirongwa cheZimpapers Cancer Power Walk chiri kuitwa panguva iyo nyika yakatarisana nekurwisa chirwere cheCovid-19 nekudaro vanhu vachafamba vachitevedza matanho ose akatarwa nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nesangano reWorld Health Organisation (WHO) uye vanokurudzirwa kupfeka mamasiki, kugeza maoko nekusaungana.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Cde Kindness Paradza – vachange varipowo pachirongwa ichi.
Cde Paradza vari kukurudzira zvekare veruzhinji kuti vapinde muchirongwa ichi.

“Tinotenda zvikuru mudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa mukutsigira zvirongwa zviri maringe nekurwisa mhando dzemagomarara akasiyana anosanganisira reganda, rechibereko, redururo revarume neremuzamu – pakati pemamwe – uye vari kubatsira mukurwisa denda reCovid-19 rinova rauraya vanhu vakawanda.

“Nekuda kwechikonzero ichi, ndinoona zvakakosha kuti titsigire sangano reIsland Hospice uye Zimpapers muchirongwa ichi kuti vakwanise kuunganidza mari ichabatsira varwere vegomarara,” vanodaro.

Mutauriri weZimpapers, Mai Pauline Matanda, vanoti chirongwa ichi vanogara vachichiita gore negore vachibata pamwe nesangano rinotsigira varwere vepanhowo reIsland Hospice.

“Donzvo redu nderekuti veruzhinji vazive maringe nezvirwere zvegomarara, mhando dzacho, zvikonzero zvinoita kuti vanhu vagumisire vabatwa negomarara uye matanho avangatora kuti vadzivirire mikana yekubatwa negomarara, zvikuru pakukurumidza kuenda kunovhenekwa chirwere ichi chisati chakomba.

“Vanhu vachafamba kwemakiromita mashanu vamwe vachimhanya kwemakiromita gumi uye chiitiko ichi chichange chiri muguta reHarare, kuBulawayo, kuGweru, kwaMutare nekuKariba. Mari pamwe nerumwe rubatsiro rwatichawana tinozviendesa kusangano reIsland Hospice kuti zvinobatsira varwere vepanhowo vakatsaukana,” vanodaro.

MuHarare, chirongwa chekufamba makiromita mashanu uye kumhanya kwemakiromita gumi chichitanga munguva dza6 mangwanani paOld Hararians Sports Club apo kuBulawayo vanhu vachange vachisangana paZimbabwe International Trade Fair (ZITF), kwaMutare paManicaland Motoring Club, kuKariba paNyamhunga Primary School kuchizoti kuMasvingo nekuGweru pamaCivic Centre eko.

Vari kutsigira chirongwa ichi vanosanganisira kambani yeSunny Yifeng, National AIDS Council, Micour Visions, Clean Zimbabwe, Fusertech, Wellness Medical Aid Society, Aspect Mining, nyika yeChina, Bata, Randnet, Zimbabwe International Trade Fair, Refresher Mineral Water neMen’s Clinic International.

Share This:

Sponsored Links