Zimpapers yopa makombiyuta

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Zimpapers yopa makombiyuta Muzvare Beatrice Tonhodzayi (kuruboshwe) vachitambidza makombiyuta kuna Mai Esther Moyo svondo rapera. - Mufananidzo naMemory Mangombe.

Kwayedza

Nesia Mhaka
KAMBANI huru munyaya dzezvenhau muZimbabwe, yeZimpapers svondo rapera yakapa chipo chemakombiyuta gumi kuchikoro cheBonda Primary School icho chiri kuMberengwa senzira yekutsigira chirongwa cheHurumende che “e-learning”.

Vachitaura pakugashidzwa kwema “desktop” kombiyuta mapfumbamwe ne “laptop” imwe chete pamuzinda wekambani iyi uri paHerald House, muguta reHarare, mukushi wemashoko weZimpapers, Muzvare Beatrice Tonhodzayi, vanoti kupa kunharaunda ndiyo imwe nzira inoshandiswa nekambani iyi mukudzorera kune neveruzhinji.

“Zimpapers ikambani ine hwaro hwayo mukutsvaga nzira itsva dzekuvandudza bhizimisi uye nekusimukira.

“Pasina kutsvaga nzira itsva, bhizimusi harina kwarinoenda. Chipo ichi chikamu chedu chebasa ratinoita rekudzorera kunharaunda.

“Vana vechikoro vanofanira kuve neruzivo pamusoro pekushandiswa kwemakombiyuta nemimwe michina yechizvino-zvino uye ichi ndicho chikonzero tapa chipo ichi kuchikoro ichi.

“Nhasi tiri kuzadzikisa chikumbiro chenyu chemidziyo inoshandiswa mukudzidza,” vanodaro.

Muzvare Tonhodzayi vanoti Zimpapers ine chido chekutsigira dzidzo yevana sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana.

“Sekambani, tinotenda munyaya dzekupa mikana yekusimudzira uye tine rudo rwakadzama zvikuru nevechidiki,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Mai Esther Moyo – avo vanove mukuru weBonda Primary School – vanotenda Zimpapers vachiti chipo ichi chichabatsira vana vepachikoro chavo kuti vave neruzivo rwakadzama rwemakombiyuta.

“Ichi chiitiko chisingawanzowanikwa kwatiri nekuti muri pakati pevashoma-shoma vanotirangarira. Tinotenda zvikuru nechipo ichi.

“Midziyo inoshandiswa mukudzidza yamatipa iyi ichaita kuti vana vedu vakwanise kufunda zvakasiyana uye kushandisa ruzivo rwavachawana mukugadzirisa zvigozhero zvavanenge vachisangana nazvo mufundo yavo.

“Izvi zvichasimudzira mhando yefundo yavo ye’e-learning’ nekuti midziyo iyi icharodza mafungiro epfungwa dzavo izvo zvinove hwaro hwakasimba hwekusimukira kwemafungiro akadzama,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links