Uncategorized

Zimplats yovandudza chipatara cheKadoma

11 May, 2018 - 00:05 0 Views
Zimplats yovandudza  chipatara cheKadoma Vashandi veZimplats, vatori venhau nevashandi vepachipatara cheKadoma General Hospital vachimema kuvandudzwa kwachiri kuitwa nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
KAMBANI yeZimplats yabatana nemamwe makambani mukuvandudza chipatara cheKadoma General Hospital icho change chatarisana nematambudziko makukutu anosanganisira kushaya mvura.

Vakuru veZimplats svondo rapera vakamema chipatara ichi pamwe nevatori venhau vachiona kuvandudzwa kwachiri kuitwa.

Vachitaura pachiitiko ichi, Business Development Manager kuZimplats, VaAlvin Makurumidze, vanoti pava neshanduko huru kana vachitarisa mamiriro anga aita chipatara ichi apo kambani yavo yakatanga kuchivandudza.

Busi Chindove

“Sekambani, takaona kuti chipatara ichi chinoda kuvandudzwa mushure mekunge taita ongororo yezvaida kugadziriswa. Zvimbuzi zvimwe zvakanga zvava nemakore gumi zvisingashande uye paine dambudziko rekushaikwa kwemvura, tsvina yesuweji isingachafamba zvakanaka.

“Mvura yepachipatara yanga isingasvike nekuti chaiwana mvura kukanzuru iyo yanga isingafambe zvakanaka. SeZimplats, takaona kuti senzvimbo iri munharaunda yatinoshandira uye inobatsira kunyangwe nevamwe vatinosevenza navo, inofanira kuti igadziriswe kuti vanhu vabatsirwe pachipatara chakachena uye chine zvakakwana,” vanodaro.

Zimplats, vanodaro VaMakurumidze, yakazvipira kubatana nemamwe makambani ari munharaunda mukubatsira pane zvinodiwa pachipatara ichi.

Vanoti izvi vari kuzviita pasi pechirongwa chekambani yavo, cheLocal Enterprise Development (LED) Programme.

Alvin Makurumidze

“Nechinangwa chekusimudzira budiriro munharaunda yatinoshandira, takaita mubatanidzwa nemamwe makambani kuti tishande pamwe chete kuvandudza chipatara ichi.

“Makambani aya tiri kubatana nawo kuburikidza nekuvapa zvikamu zvavanokwanisa kushandawo isu tichiitawo nekwedu.

“Matambudziko ari kuda kugadziriswa pachipatara ichi anosanganisira kuvaka makamuri akasiyana, kupenda zvivakwa, kuchera migodhi yemvura nekugadzira pekupisira marara nezvinenge zvashandiswa. Zvose izvi seZimplats hatingazvigoni nekudaro takabatana nemakambani akatipoteredza kuti vaitewo zvavanokwanisa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Busi Chindove, avo vanova mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko nekudyidzana pakati peZimplats neveruzhinji vachiti kuvandudzwa kwechipatara ichi kwauya panguva iyo nyika iri kugadzirisa mamiriro eupfumi.

“Kunaka kwenyika yedu kuri muvanhu vane utano hwakanaka. Kuvandudzwa kwechipatara ichi kuchabatsira vemumaruwa akachipoteredza pamwe nevari muKadoma.

“Chakatituma sekambani kuti tibatsire chipatara chino kuda kuti nyika yedu isimukire. Kubatana kwatiri kuita nemamwe makambani kwamutsawo mabasa sezvo kuri kuita kuti vanhu 170 vemunharaunda vawane mabasa.

“Rubatsiro rwedu harusi kungogumira muKadoma chete asi kune zvimwe zvipatara munharaunda yatinosevenzera zvinosanganisira Chegutu neChinhoyi,” vanodaro.

Medical Superintendent weKadoma General Hospital, Dr Frankson Masiye, vanotenda Zimplats nekushanda kwairi kuita nemamwe makambani mukuvandudza chipatara chavo.

Share This:

Sponsored Links