Zimsec yodhinda yoga mapepa ebvunzo

09 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Abigail Mawonde

KANZURU inoona nezvebvunzo, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), yakatenga muchina wekudhinda mapepa ebvunzo rinove danho rinotarisirwa kuderedza nyaya dzekuburitswa kwemapepa ebvunzo nechikiribidi.

Mashoko aya akaziviswa naDr Lazarus Nembaware avo vakafanobata chigaro chedirector weZimsec svondo rapera, apo vaitaura nezvebhajeti ravo ravanotarisira gore rinouya kukomiti yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepuraimari nesekondari.

“Nerubatsiro rwebazi rezvedzidzo, takakwanisa kutenga muchina unodhinda mapepa ebvunzo nekudaro Zimsec yave kukwanisa kuzvidhindira yoga mapepa aya.

“Taimbopa mamwe makambani makondirakiti ekutidhindira mapepa ebvunzo izvo zvaiita kuti bvunzo dzedu dzipedzisire dzabuda nerweseri. Saka iko zvino tave kukwanisa kuzvichengetedzera tega mapepa ebvunzo atinenge tadhinda uye tinovimba kuti mumwedzi waChikumi 2019 tinenge tave kukwanisa kudhinda mapepa edu ose,” vanodaro.

Dr Nembaware vanoti senzira yekurwisa matambudziko ekubuda kwemapepa ebvunzo nechikiribidi, bhodhi rinoona nezvebvunzo riri kutora matanho akasiyana.

“Tiri kushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwunodaidzwa kuti grade maker urwo rwunobatsira mukugadzira zvinodiwa papepa rebvunzo rimwe nerimwe,” vanodaro. Vanoti mushure mechikamu ichi, mapepa ebvunzo ndipo paanozodhindwa.

Panguva yekuendeswa kwemapepa ebvunzo kuzvikoro, vanoti vari kuona kuti akachengetedzeka.

“Zvatinoita ndezvekuti tinoendesa mapepa ebvunzo kumizinda iri pedyo nezvikoro kuitira kuti vakuru vezvikoro vazongonoatora mangwanani ezuva rinenge richinyorwa bvunzo. Asi kwazvinenge zvisingakwanisike, tinopa zvikoro izvozvo magwaro ebvunzo kuti vazvichengetere,” vanodaro.

Dr Nembaware vanoti mizinda ine mapepa ebvunzo iyi inenge ichichengetedzwa nevanhu vanosanganisira mupurisa, maneja wecluster (centre), nhengo yeZimsec nemutevedzeri wecluster.

“Kune makii matatu akasiyana anoita kuti munhu akwanise kutora magwaro ebvunzo panzvimbo dzaanochengeterwa. Hakuna munhu akazvimiririra anokwanisa kuwana makii aya uye vanhu vatatu vanenge vachichengetedza nzvimbo iyi vanoenda vese nemupurisa kunotora mapepa ebvunzo,” vanodaro.

Dr Nembaware vanoti vanofara kuti nyaya dzekunetsa kwemafuta edzimotokari hadzisi kukanganisa kunyorwa kwebvunzo sezvo vagara vaine mafuta aya.

“Takakwanisa kutenderera tichiona bvunzo dzainge dzisati dzanyorwa uye tinoziva kuti kune matambudziko asi tinoagadzirisa,” vanodaro.

Dr Nembaware vanoti zvakakoshawo kuvandudza mutemo weZIMCHE Act uyo unoranga vanenge vabatwa nemhosva dzekuburitsa mapepa ebvunzo nechitsotsi sezvo pari zvino vasiri kurangwa zvakaomarara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey