ZINARA yobata mota dzisina mitero

22 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
ZINARA yobata mota dzisina mitero Motokari dzisina mitero dzicharambidzwa kupfuura nepamatollgate pamwe nekufamba mumigwagwa yemuZimbabwe kutanga nemusi wa1 Gumiguru.

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MOTOKARI dzose dzisina mitero dzicharambidzwa kudarika nepatollgate kana kufamba mumigwagwa yemuZimbabwe kutanga musi wa1 Gumiguru, bazi reZimbabwe National Road Administration (ZINARA) rinozivisa.

Muchiziviso kune veruzhinji mangwanani ano, ZINARA inoti izvi zvichakanganisa motokari dzakadzimwa mumagwaro adzinofanirwa kunyoreswa zviri pamutemo (de-registered), dzisina mutero pamwe chete nemanhamba puretsi.

“Bazi reZimbabwe National Road Administration rinoda kuzivisa veruzhinji kuti motokari dzisina mutero hadzitenderwe kudarika nemumatollgate kutanga musi wa1 Gumiguru.

“Izvi zvinofambirana nemutemo weVehicle Registration and Licensing Act (Chapter 13:14) Sub-section 6 ne22 uyo unoti mota dzose dzakadzimwa mumagwaro adzinofanirwa kunyorwa zviri pamutemo, dzisina mutero uye nemanhamba puretsi hadzitenderwe kufamba mumigwagwa yeZimbabwe,” inodaro ZINARA.

ZINARA inokurudzira vedzimotokari kuona kuti dzine mutero wakakwana vasati vafamba mumigwagwa.

Chiziviso ichi chinoenderera mberi chichiti: “ZINARA ichabvumira vatyairi vemotokari vane marisiti einishuwarenzi kuti vabhadhare mari yemutero wemotokari pamatollgate uye kuti vazotora mitero iyi kumahofisi eZINARA ari pedyo.”

Share This:

Sponsored Links