Ziva nezvechirwere cheSyphilis

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Ziva nezvechirwere cheSyphilis Chirwere cheSyphilis chasvika padanho reSecondary Stage kumusana nemumaoko.

Kwayedza

SANGANO reNational Aids Council (NAC) mumakore apfuura rakatenga zvinovheneka chirwere cheSyphilis (test kits) senzira yekuti varwere vavhenekwe nekurapwa chirwere ichi.

NAC iri kuona zvakare kuti vanhu varamba vachiwaniswa dziviriro kuburikidza nekushandiswa kwakanaka kwemakondomu uye kuwaniswa ruzivo maringe nezvirwere zvinotapuriranwa pabonde.

Svondo rino tinokupai dzidziso pamusoro pechirwere cheSyphilis.

Chii chinonzi Syphilis?

Syphilis chirwere chinotapuriranwa pabonde uye chinounza matambudziko makuru kana chikasarapwa.

Zviratidzo izvi zvinowanikwa muzvikwata zvinoti primary, secondary, latent nelate Syphilis.

Chinoparadzirwa sei?

Vanhu vanogona kuwana chirwere ichi kuburikidza nekusangana nemunhu anacho nenzira dzinosanganisira maronda anenge ari pasikarudzi, bonde remukanwa kana riye rinoitwa nenzira yekunoburitsa tsvina (anal sex).

Maronda anogona kuwanikwa panhengo yababa kana yaamai pamwe nenzvimbo dzinorasa tsvina kana pamuromo.

Chirwere ichi chinogona kutapurirwa kubva kuna amai chichienda kumwana asati azvarwa.

Chakamira sei chirwere ichi?

Chine zviratidzo zvakawanda zvakafanana nezvimwe zvirwere nokudaro chinovhiringidza kana usina kuvhenekwa kuti uchizive.

Unoita maronda anenge aine vhudzi pamusoro kana kuti akangotsemuka-tsemuka kunge zipi yehembe asi mamwe anogona kungoita mapundu akakura ayo asingarwadze. Kana usina kuwana rubatsiro, chirwere chinoenda padanho rechipiri (secondary).

Pachidanho chepiri, murwere anoita twumapundu twudiki twusingarwadzi mumaoko, mutsoka kana muviri wose. Syphilis inogona kukanganisa maziso zvekutokonzera hupofu kana ikanonoka kurapwa.

Vamwe vanogona kuita zviratidzo zvishoma kana kutozvishaya zvachose asi vaine chirwere ichi.

Kuderedza mikana yekutapurirwa Syphilis:

Nzira imwe chete yekudzivirira zvirwere zvepabonde kuregedza kuita bonde risina dziviriro, ringave remumukanwa, rekunobuda netsvina kana resikarudzi.

Kuva vanhu vakavimbika muwanano yemurume mumwe chete nemukadzi mumwe.

Kushandisa makondomu nemazvo nguva dzose.

Ndiri panyatwa yekubatira Syphilis here?

Munhu wese anokwanisa kubatira chirwere ichi, zvikuru kana achiita bonde risina dziviriro.

Taura nachiremba zviri pachena kuti uone kuti ungavhenekwa here chirwere ichi uye unokwanisa kuramba uchivhenekwa, zvikuru kana wakazvitakura kana kuti uine mudikanwi akaonekwa aine chirwere ichi.

Ndine pamuviri, ko mwana wangu akangabatwa neSyphilis here?

Kana uine Syphilis unokwanisa kuzvara mwana ane chirwere ichi. Kana amai vaine Syphilis vanogona kuzvara mwana ane huremu hwakaderera uye vanogona kusununguka nguva isati yakwana kana kubara mwana akafa.

Kuti uchengetedze mwana wako, unofanira kuvhenekwa usati wasununguka uye kukasika kurapwa kana uchinge waonekwa uinacho.

Mwana ane Syphilis anogona kuzvarwa asina zviratidzo asi kana asina kurapwa chirwere ichi chinogona kuzouya chava neuturu hwakanyanya mushure memasvondo mashoma.

Vana vanenge vasina kurapwa chirwere ichi vanogona kuita tsanga mumaziso, kutadza kunzwa, kuita pfari kana kurasikirwa neupenyu.

Ungaziva sei kuti une Syphilis?

Zviratidzo izvi kuvanhu vakuru zvinowanikwa muzvikwata zvitatu.

Primary Stage:

Pachidanho chekutanga unokwanisa kuona ronda rimwe chete kana mapundu akawanda.

Ronda iri rinoratidza panenge pakapinda nechirwere. Maronda aya kazhinji kacho anenge akaita denderedzwa asingarwadzi. Nekuda kwekuti maronda aya anenge asingarwadzi, unogona kunonoka kuaona. Maronda aya anotora masvondo matatu kana matanhatu kuti apere uye tinofanira kurapwa kuitira kuti asaende pachidanho chepamusoro (secondary stage).

Secondary Stage:

Pachidanho ichi, unogona kunge wava netwumapundu paganda kana mukanwa nepasikarudzi kana kunobuda netsvina.

Mapundu aya anogona kupora mushure mekupora kweronda.

Mapundu aya anenge akaomarara uye akatsvuka uye anogona kuita muchanza nemutsoka. Zvimwe zviratidzo zvinosanganisira kuzvimba kuseri kwenzeve kana kuti mwambabvu, kurwadziwa nepahuro, kurasikirwa nevhudzi, kutemwa nemusoro, kuderera kwehuremu hwemuviri, kurwadziwa mumamhasuru nekuneta. Zviratidzo izvi zvinopera paunotora mishonga.

Latent neLate Stages:

Padanho iri, zviratidzo zvaunenge uinazvo zvinongobva zvangopera uchibva waregera kurapwa izvo zvinoita kuti urarame nechirwere ichi kwemakore anodarika 10-30. Izvi zvinogona kuti munhu aome mitezo yemuviri, kutadza kutaura, kuona kana kurasika kwenjere zvichizokonzera rufu.

Chiremba angaziva sei kuti ndine Syphilis?

Munguva zhinji, munhu anogona kutorwa ropa kuti aonekwe kuti ane Syphilis here asi zvichiitwa nemachiremba akafundira basa pamwe pacho vachitora mvura dzinenge dziri paronda kuti dzinovhenekwa.

Chirwere ichi chinorapika here?

Hongu, chinorapika kana ukapihwa mishonga chaiyo nemachiremba.

Ndikarapwa Syphilis ingadzoke here?

Kuva nechirwere cheSyphils hakurevi kuti hauchachibatira zvakare. Kunyangwe uchinge warapwa, unokwanisa kuzochibata zvakare kana kututsirwa chirwere chiri mauri (re-infection). Kumarabhoritari kunovhenekwa vanhu ndiko bedzi kunogona kuonekwa kuti munhu ane chirwere ichi here kana kuti kwete.

Ramba uchienda kunobatsirwa nemachiremba.

Share This:

Sponsored Links