Uncategorized

Ziva nezve’cholera’

14 Sep, 2018 - 11:09 0 Views
Ziva nezve’cholera’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

CHIRWERE checholera chakaipisisa zvikuru nekuti chinokonzera kupera kwemvura yemumuviri mukati menguva diki kuburikidza nekurutsa uye kuchaya manyoka, izvo zvinogona kuita kuti munhu afe kana chikanonoka kurapwa.

Panguva ino, Zimbabwe yakatarisana nedambudziko recholera, icho chauraya vanhu 25 kubva pachatanga muHarare masvondo adarika. Vamwe vakawanda vari kurwara nacho.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana riri kukusha mashoko pamusoro pechirwere ichi.

Zviratidzo zvecholera:

– Kuita manyoka akacheneruka kunge mvura yanyikwa mupunga nekupera simba.

– Kuramba uchiita manyoka apo neapo.

– Manyoka akaita mvura anobuda achiita zvekumhanya.

– Kana manyoka ava neropa, inogona kunge iri dysentery, inova imwe mhando yemanyoka akaipisisa.

– Maziso anowira mukati asingabude misodzi nekupererwa nemvura.

– Mukanwa munooma, munhu asingaite weti kwemaawa 6 kana kudarika.

– Munhu anogona kuita weti asi iri shoma uye ine ruvara rwe”yellow” yakanyanya.

– Ganda rinogona kuunyana.

Kudzivirira cholera:

– Inwai mvura yakawanda nekumwe kudya kune mvura yakawanda.

– Ipai murwere mvura yakafashaidzwa ine munyu neshuga kudzivirira kupererwa nemvura mumuviri.

– Mvura ine munyu neshuga inofanira kunwiwa yakawanda kusvika manyoka apera.

– Kana vari vana vane manyoka, havafanirwi kumira kudya nekuti chikafu chinobatsira zvakare mukumisa manyoka.

– Rambai muchiyamwisa vana kakawanda kuti vasarasikirwe nekudya kwakakosha kana kupererwa nemvura mumuviri.

– Onai chiremba nekukasika.

– Kurutsa kakawanda nekuita tsvina yakaita mvura mukati meawa rimwe chete kana maviri inogona kudaro iri cholera.

– Inwai mvura yakachena nekudya chikafu chakabikwa uye chichipisa kwete munya.

– Marara ngaagare kure nenharaunda dzeveruzhinji nekuti anokoka nhunzi dzinounza utachiona uhwu kuvanhu.

– Musaitire tsvina pedyo nenzvimbo inocherwa mvura yekunwa kana yekuwachisa.

– Gezai maoko nguva dzose nemvura yakachena uye inomhanya.

– Chererai marara mugomba kana kuapisa kudzivirira majemisi.

– Zvakakosha kuona chiremba nekukasika munhu asati anyanya kurasikirwa nemvura mumuviri.

– Shandisai mishonga inouraya majemisi mukuchenesa mvura nekugeza marutsi kana tsvina inenge yaitwa nemurwere.

– Gezai zvimbuzi zvenyu nemishonga inouraya majemisi

– Shandisai magirovosi pakushambidza zvimbuzi

– Siyanai nekatsika kekukwazisana nemaoko nekuti anogona kunge aine utachiona uhwu

– Musamhoresane kana kubatana maoko pamariro munguva yecholera

– Gezai maoko enyu kana ndiro nedota kana nesipo.

. Ruzivo urwu tinoruwana kubva mubhuku rakanyorwa nesangano reWomen’s Action Group rinonzi ‘Utano Hwako, Upenyu Hwako’.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey