Ziva nezvemhando itsva yecoronavirus

30 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
Ziva nezvemhando  itsva yecoronavirus Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MHANDO itsva yechirwere cheCovid-19 – inodaidzwa nekuti B.1. 617 – iri kutyirwa kuuya muZimbabwe uye zvinotevera zvimwe zvezvingade kuzivikanwa neveruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

Covid-19 iyi yakaipisisa zvakadii?

Ongororo yakaitwa naDr Maria van Kerkhove vanova technical lead on Covid-19 kusangano reWorld Health Organisation (WHO) inoratidza kuti chirwere ichi chakaipisisa zvikuru uye chinopararira nekukasika nekudaro vanhu vanofanira kuwaniswa ruzivo rwakakwana nenguva kuti vange vachidzivirira kutekeshera kwacho.

“Kunyangwe zvazvo chirwere ichi chichitekeshera nekukasika, zvakakosha kuti paitwe ongororo nekuti tinofanira kunge tiine ruzivo rwuzere maringe nemhando itsva yechirwere cheCovid-19 iyi inova yakatanga kuonekwa kunyika yeIndia,” vanodaro Dr Kernhove.

Nyanzvi dzezvesainzi dzinoti kune zvimwe zvinhu zvinoita kuti chirwere ichi chitekeshere, somuenzaniso misangano yaiitwa kunyika yeIndia apo vanhu vaiungana nehuwandu hwavo zvikuru sei kutanga kwegore rino.

Chakaipa zvakadii?

Pari zvino hapasati pava neumbowo hunoratidza kuti mhando yeB.1.617 ine hukasha hwakanyanya kusvika papi pane Covid-19 yagara iri muZimbabwe.

“Hatisati tava neumbowo huzere kuti tibvume kuti mhando yechirwere cheCovid-19 iyo yakatangira kunyika yeIndia ingakonzera here hurwere hwakanyanya uye chirwere ichi chakatekeshera zvekare munyika yeUK,” sekutaura kwenyanzvi dzezveutano kuEngaland.

Majekiseni anobatsira here kudzivirira mhando itsva iyi?

Nyanzvi dzezveutano dzinoti pachiri kuda kuitwa ongororo yakasimba asi dzinokomekedza kuti vanhu vavhenekwe nekukasika kuti vakurumidze kubatsirikana.

Ongororo yakaitwa kuOxford inoratidza kuti mishonga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 inobatsira zvekare mukurwisa mhando itsva dzehutachiona uhwu.

Sangano reWHO rinoti hakusati kwave neumbowo hunoratidza kuti kubaiwa majekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 kungatadza kushanda mukudzivirirawo mhando itsva dzehutachiona idzi.

Dzimwe nhando dzeutachiona hweCovid-19 dzakaonekwa kunyika dzinosanganisira UK, Brazil nekuSouth Africa.

KuIndia, chikamu cheCentre for Cellular and Molecular Biology, chinova chine marabhoritari anovheneka hutachiona, zvakaonekwa kuti mushonga weCovaxin wakakosha mukurwisa hutachiona hutsva uhwu uye mushonga uyu unobvumidzwa kushandiswa muZimbabwe.

. Ruzivo urwu rwabva padandemutande reZimfact rinoti https://zimfact.org/indian-covid-19-variant-detected-in-zimbabwe-what-you-need-to-know-about-it/

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey