Ziva paumire

12 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
Ziva paumire Vanhu vaiongorowa HIV nezvirwere zvepabonde kwaMurehwa munguva yeusiku.

Kwayedza

DINGINDIRA repasi rose rekucherechedza zuva reWorld AIDS 2018/19 rinoti ‘Ziva Paumire’.

Bazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana pamwe nesangano reNational AIDS Council rakavandudza chirongwa ichi kuitira kuti vanhu vasangoziva maringe nepavamire nezveHIV asi kuti vange vachizivawo zvimwe zvirwere zvakadai serurindi, zvirwere zvepabonde, gomarara nezvirwere zvisina zviratidzo zvinoonekwa.

Kuziva paumire maringe neHIV ndicho chinhu chekutanga pazvinangwa zve90 by 90 zvekurwisa HIV panozosvika gore ra2020 uye kwangosara gore rimwechete kuti tinge tichizadzikisa zvinangwa izvi.

Chikamu che90 percent chevanhu vose vari kurarama neutachiona hweHIV, vanofanira kunge vari pamishonga uye chikamu che90 percent chevanhu vari munyika vanofanira kunge vaderedzwa utachiona huri mumuviri mavo.

Panguva iyo vanhu vari kukurudzirwa kuti vange vachienda kunovhenekwa utachiona hweHIV, kuvhenekwa uku hakuitwe zvekumanikidzirwa asi munhu anotozvipira kuti azive paamire.

Vanhu vari murudo vanokurudzirwa kuti vaende kunovhenekwa utachiona hweHIV kuitira kuti vakwanise kuronga remangwana, zvikuru sei kana vachida kuzoita vana.

Kana mumwe wavo akawanikwa aine utachiona hweHIV, pane matanho anokwanisa kutorwa kuti vange vachisununguka mwana asina utachiona uhwu. Izvi zvinofambirana nezvinangwa zvepasi rose zvekupedza AIDS mugore ra2030.

Kune avo vasina zvinangwa zvekuita vana, vanokwanisa kuiswa muchirongwa chekutora mishonga vachiwaniswa ruzivo rwekuti vange vachirarama upenyu hune utano.

Hakuna munhu anofanira kusarudzwa nepamusaka pekuti ari kurarama neutachiona hweHIV.

Avo vanenge vaonekwa vaine utachiona uhwu vanofanira kuwaniswa rutsigiro nemhuri uye vavakidzani kana vamwe vavanoshanda navo.

Vanofanira kukurudzirwa kuti vange vachitora mishonga yavo nenguva, kudya kunovaka muviri nekuita mitambo inosimbisa muviri.

Kana munhu aine utachiona hweHIV, zviri nyore kuti ange achikurumidza kubatwa nezvimwe zvirwere zvinongonyuka saka anofanira kugara achivhenekwa.

MuZimbabwe, hachisi chinhu chinomamikidzirwa kuti munhu ange achivhenekwa utachiona hweHIV.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>