Zivai madzinde emitupo

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

SEKUVIMBISA kwandakaita muchikamu chapfuura, ndichatora mukana uno kuti tipedzese chirongwa chedu chemipatsa inowanikwa pamitupo.

Ndakavhara chirongwa chapfuura ndobata mitupo isati yozivikanwa mipatsa yayo ndichida kuzowana mukana wekunyatsobata tsvagurudzo yakareba pamitupo iyo yatisina kuzowanira nguva.

Tabva tangoti tivharise chirongwa chegore rino ra2019 tichivandudza ruzivo rwedu pamusoro pekwatatabva nako.

Vaera shava ndivo vamwe vane mipatsa yakatekeshera nenyika yyeZimbabwe zvekuti hakuna dunhu risina dzinde reShava.

Vana Shava vakapatsanurana zvikuru nekuti tinowana mipatsa inosvika kumisere chaiyo.

Tine zibaba racho reShava rinova Mhofu Museyamwa. Ndivo Mhofu yemukono, Ziwewera vari vokwaMutekedza.

Kunozopindawo Shava Mutenhesanwa mwana WaChiweshe vekwaMutovamombe. Ndivava vekwasadza dete, gobvu rinodzipa.

Hazvigumi ipapo nekuti kunosvikawo Shava Mwendamberi vokwagwenzi rakaviga mambo.

Ndivo Shava vana vaChivero.

Tinosesedzana nayo Shava tichinobata Shava Nyakudirwa.

Ava vaChamaya vari vanaKache veChamukwenjera chakoromoka.

Shava Vhuramayi vanoti nepano tiripowo vari ivo vanaZuruvi veSeke Mukonde vaya vakavhanga nyama nehwahwa.

Mumwe mupatsa weShava mupatsa unouya nanaShava Mufakose.

Ava ndivana Shava vekwaNyamhangambiri vari vana vaHwata vakabva kwaNyashanu. Kunouyawo vanaNhuka vari Shava mhiza veMabweadziva.

VanaShava Mazarura varimowo mumudungwe wemipatsa iyoyo vari vana vaRwizi Mukonde.

Ndinovimba tavabata vose vana Shava zvekuti kana paine mimwe mipatsa yatasiya zvoreva kuti hatisati tasangana nayo uye tingafara kusangana nayo.

Regai timbobata vanaMoyo avo vakazarawo nyika yose.

Kune Moyo Moyondizvo yana Dhewa Bvumavaranda.

Ndivo vanaChiwanzamukaka chipuriro chamafuta.

Vanozviti vanaJengetanyika vene vevanhu.

Tinowanawo vanaMoyo Chirandu. Gonoremombe, vanaMushayachirashwa.

Ava vana vaPfupajena. Muzasi imomo muna Moyo Sinyoro, vaZungu vemachira machena.

Ndivo vaSena vane hama dzakaperera Chirozva. Kune Moyo Nematombo vari vana vaMugumu avo vanoti nyoka haisvosvi, ukaisvosva inokuruma.

Moyo Wakapiwa varimowo mudariro vari Guruusva vana vaMukwengapasi naMunyepi.

Zvinonzi vanotocherwa pasi kuti uvawane.

Kune zvakare Moyo Mukumbuzi vari Zvihota.

Kupatsanurana kwavo neMoyo Wakapiwa kunonetsa kuti kwakabva pai nekuti vose vana vaMukwengapasi naMunyepi

. Mupatsa mumwe ndeweMoyo Akatakwa.

Ava vana vaKuredzamuswe Mawire.

Vana Moyo Mugonderwa vanomira vari vega pachavo vachiti tisu vana Chagonda.

Vana Moyo Mushorirwa ndivo vana Chidonhamuto vanonwa mvura yemugonera.

Moyo Muturikwa iri yegawo vari vanaNhumba vemabwe machena.

Moyo Mashayamombe ndivo vari Manhize vokwaMudimuranwa kuchiti Moyo Sithole inomirawo yega, zvimwe chetezvo neMoyo Wadyegora.

Share This:

Sponsored Links