Kwayedza
USAVI hwemazondo emombe kudya kunokurudzirwa sezvo achinzi anobatsira pakuchengetedza mabhonzo emuviri kuti agare akasimba.
Svondo rino Mai Ruth Kandemiri vekuTafara, muHarare, vanorondedzera mamwe mabikirwo emazondo.
Zvinodiwa:
Chikari kana poto, mugoti, chipunu, munyu, mazondo akaparwa nekuchekwa zvakanaka, mvura
Mabikiro:
Tora mazondo woasuka nemvura inopisa kuti anyatsochena wozogadza chikari kana poto pamoto.
Dira mvura yakawanda woisa mazondo ose imomo.
Chikwidibira zvombokwata kwemaawa mashanu uchipamhidzira mvura nekupindura-pindura kuti asatsvirire.
Kana ave kubva pabhonzo, anenge aibva zvakanaka.
Isa munyu wakafanira.
Munogona kudya nesadza rezviyo kana jena sezvido zvenyu.