zrp vhu vachivhiya mombe yekuba

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI

VARUME vaviri vekwaZvimba vakamiswa mudare reZvimba Magistrate Court vachipomerwa mhosva yekuba mombe uye vanonzi vakabatikidzwa nemapurisa vari mubishi kuvhiya mombe yacho.

Mapurisa anonzi akawanawo zvakare matehwe emombe masere akachererwa pasi muchivanze chemumwe wevasungwa ava.

Mutongi wedare iri, Brenda Dhliwayo, anoti Earnest Muringayi (26) anogara kwaKutama naContastine Tau (39) wekwaMusarurwa vadzoke mudare munguva iri kutevera apo kutongwa kwenyaya yavo kuri kufambira mberi uye vose vachange vari muchizarira.

Muchuchusi Biggie Mutara akakumbirisa mutongi kuti vasungwa ava vasatongwe vachibva kunze achiti nokuda kwemhosva yavari kupomerwa, vanogona kutiza.

“Musi waGunyana 29, vasungwa vaviri ava vanonzi vakapangana zano rokunoba mombe kudanga remombe dzaRuth Husa. Vanonzi vakabva vanoba mombe imwe chete vakaitinhira kumba kwaMuringayi ari mambakwedza,” anodaro muchuchisi Mutara.

Vaviri ava vanonzi vakazobatwa mushure mekunge Husa anomhan’ara paKutama Police Station masikati ezuva iroro mushure mekunyeverwa. Mapurisa akatanga kuferefeta nyaya iyi apo vanonzi vakabatikidza Muringayi naTau vari mubishi kuvhiya mombe iyi.

Mukubvunzurudzwa kwavakaitwa nemapurisa, vasungwa ava vanonzi vakabva vanovaratidza nzvimbo yavainge vakaviga matehwe masere emombe ayo avainge vakacherera pasi mumunda uri muchivanze chaMuringayi.

Mumunda maMuringayi umu munonzi maive makazara makomba-makomba ayo mamwe acho aive akachererwa nyanga dzemombe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey