ZTN Prime pfacha paDStv Channel 294

19 May, 2022 - 15:05 0 Views
ZTN Prime pfacha paDStv Channel 294 Rudo Tammy Hove

Kwayedza

Abel Ndooka

MAKUWERERE kuNewlands Country Club, muguta reHarare nhasi uko kambani huru mune zvenhau yeZimbabwe Newspapers (Zimpapers) ichaparura terevhizheni yayo.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – ndivo vari kutarisirwa kuva muyenzi mukuru pakuparurwa zviri pamutemo kweZimpapers Television Network (ZTN) Prime.

Head of production kuZTN, Rudo Tammy Hove, anoti terevhizheni iyi ichange ichibuda paDStv Channel 294 uye ichatanga kutepfenyura musi wa24 Chivabvu.

Hove anoti ZTN Prime ichange izere nezvirongwa zvakawanda zvemazera ose uye vachashanda nenyanzvi mukubika zvirongwa zvepamusoro.

“ZTN yazouya mushure menguva refu tichiita gadziriro dzedu. Tiri kutanga kuenda pamhepo svondo rinotevera musi weChipiri uye tichange tichibuda paDStv Channel 294.

“ZTN ichange iine zvirongwa zvakawanda zvinodzidzisa, zvinovaraidza nezvimwe zvinoratidza kunaka kwenyika yedu yeZimbabwe.

“Tisu tichange tichiburitsa nhabvu yemuno muZimbabwe yePremier Soccer League pamwe nezvirongwa zvevechidiki zvakawanda.

“Mugadziriro dzedu, takashanda nenyanzvi dzekubika zvirongwa dzakawanda dzemuno nedzekunze kwenyika nechinangwa chekuti tive nezvirongwa zvemhando yepamusoro zvinovaraidza nekudzidzisa,” anodaro Hove.

Anoenderera mberi achiti, “Tine zvirongwa zvakaita seThe Chase, nhabvu yePSL koita zvemimhanzi nenhau zvekuti veruzhinji vachazvifarira.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>