‘Zunde raMambo inopedza nzara’

08 Jun, 2022 - 16:06 0 Views
‘Zunde raMambo inopedza nzara’ Mambo Mujinga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Mujinga vekudunhu reHurungwe, kuKaroi vanokurudzira kuvandudzwa pamwe nekukosheswa kwechirongwa cheZunde raMambo vachiti chinobatsira zvakanyanya mukuwanisa chikafu kuvanhu vanotambura nenherera munguva yenzara.

VaMutenhe Madanairwa vanova Mambo Mujinga vanoti chirongwa ichi chinobatsira zvakare mukubatanidza vanhu sezvo vanenge vachishanda vari pamwe chete.

“Ini saMambo Mujinga ndinoti zvakanaka kuti Hurumende ivandudze chirongwa cheZunde raMambo sezvo chichibatsira kuti vanhu vakwanise kuguta kunyangwe munguva yenzara nekuti pamusha pamambo panenge pachigara paine zvirimwa zvinochengeterwa munguva yenzara. Zvino dambudziko riripo nderekuti isu madzimambo acho vamwe minda hatina, tinorima murukangarabwe,” vanodaro Mambo Mujinga.

Vanoti kare madzimambo vaiva neminda mikuru yaimirira Zunde raMambo yairimwa neveruzhinji, goho racho rochengetwa mumatura asingavhurwe pamusha pashe uye matura iwaya aizovhurwa chete kana paita mhuri dzine nzara.

“Mudunhu reHurungwe hatina minda yeZunde raMambo nekudaro inyaya yatichasvitsa kune mukuru wedu wemadzimambo muno Senator Chief Chundu, VaAbel Mbasera, kuti vatibatsire sezvo tichiona kune mimwe misha ine nzara isu madzishe tiripo tichishaya kuti tovabatsira sei,” vanodaro Mambo Mujinga.

Mambo Mujinga vanotiwo mudunhu ravo mune nzizi shoma dzinobata mvura nekudaro vari kukumbira kuti kuvandudzwe madhamu nekucherwa zvimwe zvibhorani kuti vazokwanisa kurima vachidiridzira.

Vanhu vachishanda paZunde raMambo

“Izvozvi tine dhamu idzva reMushowe rine hurongwa hwekuvakwa uyewo reChidamoyo iro rakapunzwa nemurungu panguva yaigariswa vanhu vatema patsva mugore ra2000 nekudaro rinoda kuvandudzwa,” vanodaro Mambo Mujinga.

Vanoti chirongwa cheZunde raMambo ichi vanotarisira kuti chinobudirira zvikuru kana munda wekuita basa iri wawanikwa.

“Mukuru wemasabhuku edu VaLeon Chakwana nevamwe vavo masabhuku anokwana 63 vakatambira chirongwa ichi.

Dambudziko chete kushaya munda wekuitira izvi nekuti ini mambo wacho handina,” vanodaro.

Mambo Mujinga vanoti vakatonyorera kutsvaga munda uyu.

“Ndakangomirira mhinduro kuti ndipihwewo munda wekuti ini samambo ndirime nekuvambawo Zunde raMambo.”

Vanokurudzirawo kuvandudzwa kwemishandirapamwe yekurima nenhimbe.

“Mishandirapamwe yakadai senhimbe yagara ichisimudzira mabasa ekurima munyika zvatinoda kuti tizvimutsiridze. Munoona kuti nenzira iyi nyope dzinoita shoma,” vanodaro Mambo Mujinga.

Share This:

Sponsored Links