Zupco: Ruzhinji rworerukirwa

08 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Zupco: Ruzhinji rworerukirwa Zupco

Kwayedza

DANHO rakatorwa neHurumende nguva ichangodarika rekudzosa mabhazi eZimbabwe United Passenger Company (ZUPCO) kuti atakura veruzhinji pakufamba mumaguta nemumadhorobha rabatsira zvikuru mukurerutsira veruzhinji.

Kusvika pari zvino, pakwana chipo chemwedzi Hurumende yatora danho iri apo mabhazi makuru ari kutungamirwa nekambani yeZUPCO mukutakura vanhu.

Hurumende yakaunza mabhazi aya zvichitevera kukwidzwa kwakange kwaitwa mari dzekufambisa nevemakombi.

Asi nhasi uno makombi aya adzikamiswa nedanho rakatorwa neHurumende iri.

Makombi ave kutokwikwidzana nevemabhazi mukutakura vanhu uye achibhadharisa mari yakada kungofanana neyemabhazi makuru aya.

Chinoshamisa ndechekuti vemakombi apo Hurumende yakange isati yaunza mabhazi makuru aya, vaibhadharisa mari dzinosvika $5 kana kudarika parwendo rwumwe chete kubva kunzvimbo dzakadai seKuwadzana kupinda muguta reHarare.

Asi nhasi uno makombi iwaya ari kubhadharisa $1 parwendo rwumwe chete urwu.  Zviri pachena kuti kudai Hurumende isina kupindira panyaya iyi, nhasi uno vemakombi kudai vachiita madiro aJojina nekubhadharisa vanhu mari dzakawandisa pakufamba.

Kana vechidiki votaura vanoti vemakombi vakagadzirirwa “size”.

Vazhinji vemakombi havana hanya nekubatsira vanhu asi kuti vanongoda mari chete.

Kunyangwe mabatiro avanoita vanhu pakufamba haana kunaka, zvikuru mahwindi ayo anovambunyikidza.

Vafambi vanobatwa senhapwa vachiitwa sevanhu vasina kodzero dzinofanira kucherechedzwa.

Kunotova nevanhu vakafa – mumwe murume kuchiteshi chekunaSimon Muzenda (Forth Street) nekuMbudzi, muHarare – nevamwe vakakuvara zvichibva mukubatwa zvakashata nevemakombi.

Mahwindi ane katsika kekudhonza mabhegi evanhu vanozvifambira pamwe nekuvamanikidza kukwira makombi avanenge vasingade, kunyangwe zvazvo katsika aka mazuva ano kasinganyanye kuitwa.

Vafambi vanenge vachibhadhara mari yavo, iyo iri kunetsa kuwana, nekudaro vanofanira kubatwa zvakanaka apo vanenge vari panzendo.

Nokudaro danho reHurumende rekudzosa nekuvandudze mashandiro ekambani yeZUPCO kuti ibatsire mukutakura veruzhinji rinofanirwa kugashirwa nemawoko maviri. Kumakore ekuma1980, Zupco yakange iine mabhazi akawanda ayo aibatsira veruzhinji mukufamba nzendo dzakasiyana.  Nyaya yekutakura veruzhinji kuenda nekudzoka kunzendo dzavo haifanirwe kusiirwa mumawoko evemakombi.

Kuti nyika ibudirire ndokunge vashandi vachikwanisa kuenda nekudzoka kumabasa zvakanaka uye nenguva.

Ndokusaka nemusi weChipiri svondo rino, dare raCabinet rakaita zvisungo zvakananga kuvandudza mashandiro eZUPCO.

Zvimwe zvezvisungo izvi zvinosanganisira kuti kambani iyi ive nevashandi nyanzvi avo vakafundira mabasa. Izvi zvakakosha nekuti kuti basa rifambe zvakanaka, zvinoda paine vashandi vane ruzivo rwakadzama uye vane chido nebasa ravo. ZUPCO yakapihwa mvumo zvakare yekutenga mamwe mabhazi kunze kwenyika kuitira kuti inge iine mabhazi akawanda.

Share This:

Sponsored Links