ZUPCO yosimbaradza matanho eCovid-19

30 Jul, 2020 - 11:07 0 Views
ZUPCO yosimbaradza  matanho eCovid-19

Kwayedza

Munyori weKwayedza

KAMBANI yeZUPCO inoti iri kutevedzera matanho akananga kumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kuti vanenge vachida kukwira mabhazi vasaita chitsokotsoko, vatorwe tembiricha, kuzorwa sanitizer, vopfeka mamasiki uye mabhazi acho achifiritwa nemushonga.

Vakafanobata chigaro chachamangwiza weZUPCO, VaEvaritso Madangwa vanoti bazi rezveutano nekurerwa kwevana nemusi weChitatu rakavheneka vashandi vavo vanosevenzera kuWillowvale, muHarare apo vanomwe vakawanikwa vaine Covid-19.

“Ticharamba tichifirita mabhazi edu zuva nezuva,” vanodaro VaMadangwa.

“ZUPCO icharamba ichitora tembiricha, kuzora sanitizer uye kuona kuti mamasiki apfekwa nevanofamba nemabhazi ayo pamwe chete nevashandi vedu. Pane matanho ari kutorwa ekuti mabhazi eZUPCO arambe achitakura vanhu.

“Apo tiri kurwisa denda iri, tinokurudzira vafambi, mapoka akasiyana atinoshanda nawo nenyika yose kuti vatore matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro.

Zvichakadai, kanzuru yeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) nemusi weChitatu chino yakazivisa nezvekuvharwa kwemuzinda wayo mukuru pamwe chete nemahofisi eHarare Regional Office kusvika musi we3 Nyamavhuvhu nechinangwa chekuti ambofiritwa mushure mekunge vashandi vayo 11 vawanikwa vaine Covid-19.

“Kuvharwa kwemahofisi aya kuri kuitirwa kuti akwanise kufiritwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19,” inodaro Zimsec mugwaro rayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey