Zvaidyiwa nevanhu kare

05 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Grade 7

Ticha Danga
MISHONGA yese yotowana muzvipatara mazuva ano inobva mumakwenzi ari mumatunhu atinogara kunyanya mumaruwa nokudaro kurwara rwara kwaiva kushoma nekuti tvanhu vakare vaigara vadzivirira zvirwere nekuda kwezvavaidya. Kana nanhasi, kuva neruzivo pamusoro pezvekudya uku kunobatsira zvikuru kana tichida kudzivirira matenda.

Makarekare takanga tisingadyi chingwa nesvutugadzike rungwanani asi kuti taipazana nemanhanga toswera matumbu akati shaku kuzara. Manhanga iwaya nhanhasi achiri kunwiswa svutugadzike kunyanya kumaruwa uye anowanikwa ari mumhando dzakasiyana.

Kune nhanga rinonaka samare rine mavara mavara. Rakaomarara uye richiita zvekumepfuka mepfuka pakuridya. Rinonzi nzunzu kana kuti ndodo. Kunewo nhanga rinonzi ditimanga kana kuti dindimanga rinova jena risina ruvara. Nhanga iri rinokura kuita mutumba chaiwo kana rawana pakaorerera.

Mangachena imwe mhando yemanhanga inota mukati muchena nemhodzi huru richiita munyepfu mushoma pane ditimanga. Kunowanikwawo mapudzi ayo anoda kudyiwa asati akomba. Ndiwo aya anoti kana akomba ogadziriswa hosho, mikombe nemagavhu.

Mashamba kana kuti mafere anoda kufanana nemanwiwa asi asingadyiki kunze kwekunge bedzi aitwa nhopi.

Mumatoro munorimwa tsenza. Tsenza dzinogona kudyiwa dzakabikwa kana dzisina.  Kutsenza tinowana sasamwe negombwa dziri idzo dzine mukurumbira kupfuura dzimwe dzese. Kunowanikwawo mvumvu, ndurwe, nziye nezananda.

Tsenza dzinoparwa makanda nekuti anovava. Dzinozivikanwa zvakare nekutindivadza mazino nembatya.

Mumasango mhando dzeusavi dzaisazivana. Kwaimera derere remhando dzakasiyana. Nhasi uno rimwe derere tava kuita rekurima asi rimwe rinongomera rega musango.

Mhando yederere ine mukurumbira inonzi chipudzi kana kuti nyanhanda. Ndiro rinorimwa mumabindu nemuminda kumaruwa. Iri derere rinodyiwa zvana zvaro zvine mhodzi dzinoputirwa muganda rechipudzi. Rinogona zvakare kuyanikwa rozodyiwa mufushwa.

Derere rechijonga rinocherwa midzi yacho yozotswiwa yobikwa. Derere racho rinoita dzvuku kana rabikwa. Hambakachere rinongocherwa midzi yobikwa pasina kutswiwa.

Nyenje iderere rinomera rega mumakura uye rinotanhwa mashizha aro obikwa. Samwenda rinotekeshera musango marinomera roga. Mashizha aro ndiwo anotemwa nokubikwa.

Derere harina zvakawanda zvarinoda pakubikwa kwaro kunze kwekukwatiswa mumvura ine munyu nemutyora. Mutyora ingava hundi inobva mukupiswa kwemaguri kana kuti madota chaiwo ehuni. Imwe mhando yemutyora isoda iyo inowanikwa muzvitoro.

Share This:

Sponsored Links