Zvairwadza vatema

04 Oct, 2019 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tinopedzisa mubvunzo watakatanga svondo rapera waiti;

Zvakawanda zvikonzero zvakaita kuti vanhu vatema vaende kuhondo yeChimurenga nevachena. Tsanangura zvikonzero zvacho uchipa tsigiro dzinogutsa kubva muna Gona ReChimurenga.

Ndakadzidzisa zvakawanda maererano nemapindurirwo anoitwa mubvunzo wemhando ino. Kana usina kuzviona tsvaga Kwayedza resvondo rakapfuura nekuti mubvunzo uno unokosha zvikuru takatarisa mabhuku anonyorwa zvichienderana nenguva yehondo. Zvimwe zvezvikonzero ndeizvi:

Kutorerwa ivhu kwakaitwa vanhu vatema kwakaita kuti vaende kuhondo yeChimurenga nevachena. Mabhunu anotsananagura achiti, “Nyika yakange yapambwa upfumi hwedu neivhu redu. Nhasi dhongi ramera nyanga. Ndakange ndasvinura ini mwana womunhu. Upfumi, ivhu nezvose zvaizodzoka kana zvaireva kufa kwangu, zvanga zvisinei.”

Kubatwa zvisina kunaka kwakaita kuti vanhu vatema vaende kunorwa hondo yeChimurenga. Munyori anotsanangura achiti, “Ndonzi pfugama tinamate ndovhara maziso iye onditorera pfuma nenyika, uchenjeri kana kudheerera? Ndotukwa ndorohwa nokubatwa somuranda mumusha wangu?”

Kutsvinyirwa kwaiitwa vanhu vatema kwakaita kuti vatange hondo yeChimurenga. Vachena vaitsvinyira vanhu vatema zvinorwadza chaizvo zvekuti vaivashevedza mumabasa. Tinozvinzwa panonzi, “Mwana wamambo zvanzi muranda kumwe wani, nhasi ndave kubvisa ngowani kutaura nomunhu mukuru pabasa wonzi bhasibhoi. Uri bhasi asi uri bhoi, kutukwa kwakadii? Ndotya kufamba muvhu redu nokuti ipurazi yabhasi.”

Chimwe chakanyanya kurwadza vanhu inyaya yekuti vabvisiswe mitero yepamusoro munyika yavo. Zvinonzi vanhu vakanga vave kubvisiswa mari dzokuterera mombe dzavaichengeta. Muripo uyu waive wepamusoro zvekuti zvakanga zvisiri nyore kuti munhu awane hupfumi.

Kurambidzwa kufamba pese pese kwaiitwa vanhu vatema kwakaita kuti vaende kuhondo nevachena. Tinonzwa kuti munhu mutema pese paaifamba aifanira kunge aine pepa muhomwe rekuratidza kuti munhu iyeye ndiani uye aigara kupi. “Ndonzi gara nechitupa chakanzi ndinobva kuWedza kwete muZimbabwe?” Ndizvo zvimwe zvakanga zvakanyanya kuvengwa nevanhu vatema.

Vanhu vatema vakarwadziwa nemitemo yevachena yekuti vasachengeta mombe dzakawanda kusvika vazviona kuti zvaive nani kuti vaende kuhondo. Munyori anoti, “Ndonzi usachengeta mombe dzinopfuura gumi munyika mangu.”

Vatema vakaenda kuhondo nechinangwa chekuda kuti hutsinye hwekubhadhariswa mari yemutero wedzimba nekurambidzwa kuvhima zvipere. Munyori anotsanangura kuti sei vakanga vasina kufarira maitiro evachena zvinoita kuti vazoende kunorwisana pahondo yeChimurenga panonzi, “Kunditeresa imba mutero munyika mangu nokundirambidza kuteya mhuka musango iwe mari usingandipi?”

Mumasvondo mapfumbamwe apfuura tanga tichingoita ongororo yebhuku rino, Gona reChimurenga. Zvino razosvika kumagumo kwaro. Ndichakupai mibvunzo yamunofanira kuzozviitira moga svondo rinouya kuti muzozvipindurira segadziriro yebvunzo dzenyu dzekupera kwegore. Mushure memibvunzo iyi ndichakupai rumwe ruzivo takanangana nekunyora bvunzo dzeuvaranomwe.

Share This:

Sponsored Links