Zvakabhadhara: Mujaji

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Zvakabhadhara: Mujaji Elliot Mujaji

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munyaya dzemujaho wekumhanya – Elliot Mujaji – anoti kuzvininipisa kwaakaita pamwe nekuzvibata ndiko kwakamubatsira kuti ahwine mibairo yakasiyana inosanganisira menduru dzegoridhe kumitambo yemaParalympics Games uye akakwanisawo kutenga dzimba mbiri kuburikidza nekumhanya.

Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro naMujaji uyo anoti akakwanisa kusimudzira hupenyu hwake zvikuru kuburikidza nekumhanya.

“Ndakakwanisa kungoitawo zvidiki-diki chete, munongozivawo kuoma kwakaita nyika yedu. Asi ndakavakisa dzimba mbiri, imwe iri kumasabhabha kozoti imwe iri kumarokesheni.

“Fundo yevana vangu, ndakavaendesa kuburikidza nekumhanya kwandaiita.

“Asi mugore ra2006 ndakanyura mari inosvika US$6 000 iyo yakarova yese iri kune rimwe bhengi rakavhara ndokurova nemari dzedu. Nanhasi mari yangu ndinongoifunga nekuti yainge yakawanda zvikuru,” anodaro.

Mujaji anoti achiri nendangariro dzekutendwa kwaakaitwa nevaimbove mutungamiriri wenyika, Cde Robert Mugabe apo akahwinha menduru yegoridhe kumaParalympics Games.

“Hapana chinhu chinofadza zvikuru sekutendwa nemutungamiri wenyika, kumunzwa achitaura nezvako achikutenda nebasa raunenge waita. Zvinhu zvinofadza uye zvinogara mundangariro dzako zvachose.

“Saka kuti usvike ipapo zvinoda kuti ushande nesimba uye usimudze mureza wenyika ugotendwa nemutungamiri wenyika,” anodaro Mujaji.

Mujaji akazvarwa mugore ra1971 kuKadoma uye anoti zvekumhanya zvaive muropa kubva achikura asi akazosangana netsaona ari kubasa iyo yakamuona achidamburwa ruoko rwake ndokumbogara ari mukoma (coma) kwemwedzi miviri.

Achidzoka mugore ra2000, Mujaji akaunza mufaro kunyika yese apo akahwina menduru yegoridhe mumujaho we100m kuSydney, kuAustralia kumakwishu emaParalympic Games.

Muchinda uyu akazohwinha zvakare imwe menduru yegoridhe kuAthens, kuGreece kumakwikwi mamwe chete aya.

Parizvino Mujaji ari kushandisa ruzivo rwaakawana kuburikidza nemakore aaikwikwidza kunyika dzakasiyana kusimudzira vechidiki vari kushuvira kutevera mumatsimba ake.

“Ndiri kuedza kuti ndisimudzire vechidiki asi hazvisi kunyatsobuda nekuti hatina vanodira mari kuti basa iri rifambe. Dzimwe dzenguva ndinotozosvika pakuburitsa mari yangu yemuhomwe kuti ndibatsire basa rifambe nekuti zvinhu zvakaoma.

“Zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika, zviri kunetsa munhu wese saka handingambosiya vapfana vangu ava vari vega, vanotarisira kubva kwandiri kuti ndivabatsire kuvasimudzira,” anodaro Mujaji.

Kunze kwekushanda achirairidza mujaho wekumhanya kuchikwata chake cheElliot Mujaji Athletics Academy kuZvishavane uko kwaanogara, Mujaji ndiye murairidzi wepurovhinzi yese yeMidlands mumutambo uyu.

Anoti mitambo iyi yakakosha zvikuru sezvo ichibatsira kusimudzira vechidiki uye ndiyo mimwe yakamusimudzirawo mukukura kwake.

“Tatarisana nemaYouths Games, akakosha uye ini ndakaona kukosha kwawo nekuti ndichikura akandiwanisa zvikwata izvo zvandakamhanyira zvinosanganisira Morris Depot, Trojan Mine neShabanie Mine uko kwandakazoshanda kwemakore akawanda.

“Izvezvi zvasiyana, hakusisina zvikwata zvakaita seizvi saka mutambi anotoburitsa mari yake muhomwe kuita gadziriro dzekuenda kumitambo mikuru yakasiyana uye anotofanirwa kuihwina kuti zvimufambire zvakanaka,” anodaro.

Shasha iyi inoti yakakombererwa nevana vana vanoti mukomana mumwe chete nevasikana vatatu.

Anoti pavana vake vese, hapana akambofunga zvekutevera mumatsimba ake uye haana chigumbu nazvo nekuti anotsigira zvese zvavanoda kuita muhupenyu hwavo.

Share This:

Sponsored Links