Zvakakosha kuongororwa viral load

30 Dec, 2021 - 15:12 0 Views
Zvakakosha kuongororwa viral load

Kwayedza

ZIMBABWE ine vanhu vanosvika 1,3 miriyoni vari kurarama nehutachiona hweHIV.

Zvakakosha kuti munhu atange kunwa mapiritsi nenguva kana abatwa kuti ane hutachiona hweHIV.
Kana papera mwedzi mitanhatu uchinwa mapiritsi, zvakakoshawo kuti upote uchiongororwa huwandu hwehutachiona huri muropa rako (viral load).

Kuongororwa uku kunoratidza zvakare kuti muviri wako uri kutambira zvakadii mapiritsi uye kuti uri kukwanisa kurwisa zvimwe zvirwere zvakadii.

Kana pasina chiri kuonekwa, panoitwa ongororo zvinoreva kuti HIV mumuviri inenge yakaderera zvakanyanya (pasi pe40 copies/ml) zvichirevawo kuti haikwanisi kutapurirwa kune vamwe vanhu. Unogona kunzwa vezvehutano vachiti hutachiona hwakaderedzwa zvakanyanya (viral suppression) (apo hutachiona hweHIV hunenge huri pasi pe200 copies/ml) – kana ongororo ikaburitsa izvi – zvinoratidza kuti hausi panjodzi yekutapurira vamwe HIV.

Kazhinji, zvinoda kuti muviri ukasire kujairira mushonga mutsva, izvi zvirikowo panyaya dzekunwa mapiritsi ekuderedza simba rehutachiona hweHIV.

Kuva pamushonga hazvirevi kuti hutachiona hunoderera muropa mako uye zvinoitika kuti hutachiona hunopota huchiderera kana kuwedzera, kunyanya munhu achangotanga kuenda pamushonga.
Unogona kuonekera kana kunzwa kuti wakasimba pautano hwako asi izvi hazvirevi kuti hutachiona hwava hushoma muropa rako.

Nzira yekuti unokwanisa kuona kuti ropa rako rine hutachiona hwakawanda sei kuongororwa nguva nenguva.

Zvinokurudzirwa kuti unofanira kuenda pamushonga kwemwedzi mitanhatu apo wozotanga kuongororwa hutachiona muropa rako mwedzi miviri kana mitatu yega-yega nevezveutano.
Zvakakosha kuziva kuti chero hutachiona husingachaoneki muropa rako, unenge uchine HIV mumuviri mako.

Izvi zvinoreva kuti ukarega kutora mushonga wako hutachiona hunowedzera muropa mako zvinova zvinokanganisa utano uye nekufamba kwenguva zvinoita kuti uzotapurira vamwe hutachiona.

Munhu wese ari kurarama neHIV anokwanisa kubudirira kuva neropa risingaonekwi hutachiona here? Havasi vese vanorarama nehutachiona vanokwanisa kusvika pakuti ropa ravo harionekwi hutachiona uye izvi hazvikwanisi kugadziriswa nevazhinji vane HIV.

Zvakakosha kuti vane hutachiona vatore mishonga yavo sekutarwa kwazvakaitwa uye nenguva chaidzo pamwe chete nekupota vachishanyira chiremba achiita ongororo.

Kana usingagutsikane kana kuti usingazivi huwandu hwehutachiona huri muropa rako, pane dzimwe nzira dzekuderedza kuparira kweHIV nevaunosangana navo pabonde.

Vaunosangana navo pabonde vanokwanisa kutora mishonga inozivikanwa nekunzi pre-exposure prophylaxis (PrEP) kuti vasabatira hutachiona hweHIV.

Kushandisa makondomu kunoderedzawo kupararira kweHIV nezvimwe zvirwere zvepabonde.
Kana ropa rako risingaonekwi hutachiona uchitora mishonga nemazvo uye kuongororwa nguva nenguva, zvakanakira kuti unenge usingakwanise kutapurira mudikani wako hutachiona hweHIV.

Kusaonekwa kwehutachiona muropa mako zvinoreva kuti muviri wako uri kushanda zvakanaka mukurwisa zvinotakura zvirwere.

Kana uine HIV asi mudikani wako asingaoneki huwandu hwehutachiona muropa rake, makondomu ndiyo yega nzira yekudzivirira zvimwe zvirwere zvepabonde uye pamuviri pasina kurongwa.

Unokwanisa kushandisa PrEP seimwe nzira yekuzvidzivirira kubva mukubatira hutachiona hweHIV.

Share This:

Sponsored Links