
Kwayedza

Muchaneta Chimuka
BHIZIMUSI rezvekushanya rakakosha zvakanyanya mukusimudzira upfumi hweZimbabwe nekudaro rinofanirwa kuramba richivandudzwa kuti rifambirane uye kuzadzikisa zvinangwa zvinoendeka zvinosanganisira cheVision 2030.
Izvi zvakabuda pagungano rakaitwa nebazi rezvenharaunda, kusanduka kwemamiriro ekunze nenyaya dzekushanya rekunzvera mitemo ine chekuita nenyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda, kusanduka kwemamiriro ekunze uye matanho anokwanisa kusimudzira kushanyirwa kwenyika.
Dr Shepherd Nyaruwana, avo vanova muongorori muchikamu chezvekushanya, vanoti mutemo uri maringe nenyaya dzezvekushanya unofanira kusandurwa kuti ufambirane neshanduko itsva dziri munyika.
“Mutemo weTourism Policy washanda zvakapfurikidza mwero kureva kuti wava kufanira kusandurwa zvichifambirana nezvirongwa zveHurumende zviri maringe nenyaya dzebudiriro, kusanganisira Vision 2030 neNational Development Strategy 1,” vanodaro.
Dr Nyaruwana vanoti huwandu hwevashanyi vanobva kune dzimwe nyika huri kuramba huchiwedzera muZimbabwe apo mugore ra2022 vakawedzera nechikamu che174 percent kureva kuti vashanyi 1 043 781 vakapinda munyika.
Kubva munaNdira kusvika Chikumi gore rino, huwandu hwevashanyi munyika kubva kunze hwakawedzera nechikamu che50 percent kana zvichienzaniswa negore rapera.
Muzvare Fadzai Mukonoweshuro, avo vakafanobata chigaro chaCountry Manager kuWorld Bank, vanoti bhizimusi rekushanya rakakosha zvikuru mubudiriro yeupfumi hwenyika.

Mai Fadzai Mukonoweshuro
“Bhanga guru reWorld Bank rinotsigira kusandurwa kwemitemo iri maringe nenyaya dzekushanya uye kune misangano yakasiyana iri kuitwa yekubatsira mukuvandudzwa kwemabasa ekushanya sezvo achiunza mari munyika,” vanodaro.
Hurumende ine chishuwo chekuti indasitiri yezvekushanya ive nehukoshi hunosvika US$5 bhiriyoni panosvika gore ra2025.