Zvakakoshera kuongororesa ivhu

24 Jun, 2021 - 11:06 0 Views
Zvakakoshera kuongororesa ivhu Muzvare Wendy Madzura

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE ine mikana yakakura yekuwana goho guru rechikafu chekudya nechekutengesa kana varimi vachinge vasandura nzira dzavo dzekurima, zvikuru panyaya yekuona kuti ivhu ravo ravhenekwa roonekwa kuti rine kudya kwakakwana here.

Mashoko aya akabuda pamusangano wepadandemutande wakaitwa nekambani yeSeed Co nemusi weChitatu uyo waive pamusoro pekukosha kwekuvhenekwa kwevhu (Virtual Symposium on soil testing).
Vachitaura pachiitiko ichi, VaEmmanuel Chikwari, vanova chief research officer and head of chemistry kuboka reChemistry and Soil Research Institute of Zimbabwe, vanoti kuvhenekwa kwevhu kwakakosha zvikuru zvisinei nekuti vamwe varimi vanoratidza kushaya hanya nako.

“Kana ivhu rikavhenekwa zvinobatsira kuti paonekwe kutapira kana kuvava kwaro uye hudyi hunenge hwakashomeka mariri (soil Ph and alkalinity). Kuvhenekwa kwevhu kunobatsira kuti murimi azive kuti rinoda fetiraiza yakawanda zvakadii pachinzvimbo chekuita fembera-fembera ogumisira atenga fetiraiza yakawanda kana shoma zvinobva zvakanganisa kukura kwakanaka kwezvirimwa.

“Kuongororwa kwevhu hakudi mari yakawanda uye kunoderedza nyaya dzekuburitsa mari zvisina tsarukano apo murimi anotenga zvinhu zvakawanda nekuti anenge asati aziva chipimo,” vanodaro.
VaChikwari vanoti zvichitevera kudhura kunoita fetiraiza nezvimwe zvekushandisa mukurima, murimi akangwara anoendesa ivhu rake kunovhenekwa kuti akwanise kuita gadziriro yake zvine hungwaru. Muzvare Wendy Madzura, vanova head agronomist kukambani inouchika mbeu yeSeed Co, vanoti kuburikidza nekuvhenekwa kwevhu, Zimbabwe inokwanisa kuzadzikisa zvinangwa zvayo zvekuwana goho guru nekuderedza mikana yekutenga chikafu kunze, izvo zvinoita kuti nyika irasikirwe nemari yekunze yakakosha.

“Kana ivhu richinge ravhenekwa, murimi anogona kuyambirwa kuti awedzere huwandu hwefetiraiza yake kana kuiita shoma. Vamwe vanoyambirwa kuti vapote vachisandura mhando dzezvirimwa mumunda (crop rotation) kuitira kuti ivhu riwane nguva yekugadzira kumwe kudya, sokuti paimborimwa chibage gore rinouya porimwa bhinzi kana makerotsi zvinova zvinobatsira mukuisa kudya (nitrogen) muvhu,” vanodaro.

Muzvare Madzura vanoenderera mberi vachiti, “Ivhu rinokwanisa kuvhenekwa pachitariswa zvinosanganisira kudya kuri muvhu kunobatsira mukukura kwakanaka kwezvirimwa, kuti paonekwe kuti ivhu iri nderemhandoyi sekuti ivhinga here, jecha, kana dhaka kuitira kuti murimi ayambirwe nezvenhando yembeu yekudyara netumbuyu twunowanikwa muvhu, pakati pezvimwe.”

Vanoti kana ivhu riine fetiraiza yakawanda, murimi anogona kuyambirwa kuti ashandise manyowa kana mimwe mishonga inoita kuti kudya kwevhu kuve kwakaringana zvichibatsira mukukura kwezvirimwa.

Share This:

Sponsored Links