Zvakakoshera kutora maARV nemazvo

21 Dec, 2022 - 11:12 0 Views
Zvakakoshera kutora maARV nemazvo Abigail Nhapi - Harare Provinvial Coordinator ZNNP+

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MADZIMAI ave nemakore mazhinji vaine hutachiona hweHIV vekuRetreat Park, kuWaterfalls, muguta reHarare, vanoti vakatokunda hondo yeHIV sezvo vazhinji vavo hutachiona uhwu husisaonekwi muviri zvichitevera kutora kwavanoita mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs (ARV) nguva nenguva.

Nyanzvi dzezveutano dzinoti kune inonzi “U=U” kureva kuti kana munhu achitora mishonga yake yemaARV pasina zvekumbomira kana kukanganwa, anopedzisira muropa machena musisina hutachiona nekuti hunenge hwambohwanda panguva iyoyo nekuda kwekutora mishonga nemazvo.

Munhu anenge aine chimiro ichi, haakwanisi kutapurira vamwe hutachiona nekuti hunenge husiri kuonekwa zvachose chinova chikonzero vanhu vari kukurudzirwa kugara vachitora mishonga yavo.

U=U inoreva kuti hutachiona hweHIV hauchaonekwi uye hauchatapuriki kune vamwe (HIV Undetectable=Untransmittable).

Vamwe vavo vanoti vakatorasikirwa nevarume zvichitevera kumbomira kutora mishonga uko vaiita mushure mekunge vaona kuti vava kunzwa zviri nani asi vakazogumisira varwara zvakanyanya zvekutoenda panhowo,

Madzimai aya ari kushanda pasi peboka reZimbabwe National Network of People Living with HIV (ZNNP+) uye National AIDS Council (NAC) vachitsigirwa nemazano.

Lilian Butawu ndemumwe wemadzimai ari kurarama nehutachiona hweHIV uye haaoni.

“Ini ndatova nemakore anodarika 22 ndichirarama nehutachiona hweHIV. Murume wangu nevamwe vana vakarasikirwa neupenyu nekuda kweHIV. Ndakabarwa ndichiona asi dambudziko rekurasikirwa nemaziso rakazouya kumashure uye handina kuziva chikonzero.

“Zvakangooma kuti uve munhu asingaoni apa uine hutachiona hweHIV. Ndinotenda vehukama vari kundibatsira kuti ndikwanise kutora mishonga yangu nemazvo uye vanondirapisa pese pandinorwara. Havatodi kana kunzwa vanhu vachitaura maringe nezveutano hwangu nekuti vane rudo neni,” anodaro.

Butawu anoti akatoumba sangano rake rinodaidzwa kunzi Lilian Butawu Foundation iro anoshanda nemamwe madzimai ane hutachiona hweHIV.

“Ndinofara kuti vanhu vazhinji vava kugashira vane HIV nekuti zvisinei nekuti handioni, vanhu vandinotungamirira vanoona asi vakandipa chigaro kuti ndivatungamirire. MuSupport Group umu tinochengeta huku, kugadzira mabhasikiti, kunhonga magaba tichinotengesa kumakambani anozoabika patsva, kugadzira kobhura, mishonga yekugezesa muzvimbuzi nezvimwe.

“Izvi zvinoita kuti tiwane mari yekuriritira mhuri uye kusimudzira utano hwedu apo tinowana kudya kunovaka muviri. Ndiri kutora mishonga yangu mazuva ose uye hutachiona hweHIV muropa mangu hahuchaonekwe (U=U) saka ndiri kugara ndakagwinya sezvinongoita munhu asina hutachiona,” anodaro.

Sipihwe Chabikwa wekuboka rePlustracker 2, kuWaterfalls anoti ava nemakore anodarika 22 zvakare achirarama nehutachiona hweHIV uye anovimba nekushandisa mawoko.

“Kune vamwe vakarasikirwa neupenyu nekuda kwekuti vaisada kutora mishonga yavo yemaARV. Isu tisu vamwe vevanhu vakabatwa nechirwere ichi nyika ichine rusarura rwakanyanya kuvanhu vane HIV. Pamwe pacho mapiritsi aishaikwa tikaenda kunoratidzira kusvika zvichemo zvedu zvanzwikwa, nhasi uno mishonga yatekeshera.

“Murume wangu ariko, anoraramawo nehutachiona asi tinofara neutano hwedu nekuti tese tiri kutora mishonga yedu nemazvo uye kudya chikafu chinovaka muviri. Pese patinoenda kunovhenekwa, hutachiona hauchaonekwi nekuda kwekuti tiri kutora mishonga yedu nemazvo uye kuchimbidza kurapwa zvimwe zvirwere zvinonyuka,” anodaro Chabikwa.

Anoti kumwe kudya kwechivanhu kwavanotora kunosanganisira mifushwa yemutsine, munyemba, manhanga, manwiwa, matamba, mawuyu nezvimwe zvinoita kuti utano hwavo hugare huri pakanaka.

Portia Mavhunga anoti aichengeta mwana ane hutachiona hweHIV nokudaro paakaenda kunovhenekwa kuchipatara akatoshamisika ava kuudzwa kuti anahwowo.

“Semunhu ainge akasimba ndisingarwari, ndakangoendawo kunovhenekwa ndichida kuti ndizive pandimire ndokutoudzwa kuti ndine hutachiona hweHIV. Handina kuzvitambira zvachose zvekuti kunyangwe mishonga yandaipihwa kuchipatara ndaitoirasa.

“Ndaibvisa zita rangu rainge rakanyorwa pagaba ndichifunga kuti pamwe rikaonekwa nemapurisa ndinosungwa ndobva ndanorasa mapiritsi mubhini. Handaiziva kuti ndiri kuzvicherera guva ndiri mupenyu nekuti ndakazorwara zvikuru,” anodaro.

Mavhunga anoti akazorwara zvakanyanya zvekudzikira muviri ndipo akazoonekwa kuti aisatora mishonga yake.

“Ndakakurudzirwa kuti ndipinde mumaSupport Groups ndikapangwa mazano maringe nezvekukosha kwekutora maARV nemazvo ndikaona utano hwangu huchidzokedzana. Ndine HIV, asi handina zviratidzo zviri panyama dzangu zvinoratidza zvandiri.

“HIV inowanikwa muropa kwete pachimiro chemunhu. Vakawanda vanotofunga kuti ndinonyepera chinova chikonzero nei vazhinji vachizowira mumukanwa neshumba apo vanoita bonde risina dziviriro nekuti vanhu vanonyanya kutarisa chimiro chemunhu votobva vazviudza kuti uyu makeke haana (HIV) nekuda kwemaumbirwo ake,” anodaro.

Mai Hatirarame Kadiki vanoti mabhindauko ekuruka nekusona anovabatsira kuti vakwanise kuriritira mhuri.

Zvakadaro, Abigail Nhapi anova Harare Provincial Coordinator kuZimbabwe National Network of People Living with HIV (ZNNP+) anoti sangano ravo rakaumbwa mugore ra1992 riine vanhu vashoma-shoma.

“Boka redu ratanga riine vanhu 12 vainge vaonekwa vaine hutachiona hweHIV mugore ra1992. Rakazonyoreswa zviri pamutemo muna1995. Rakazotekeshera kupinda mumatunhu ese apo vanhu vakawanda vakatangawo kuvhenekwa vachionekwa vainahwo nokudaro riripo mukutsigira neruzivo maringe neHIV uye mabhindauko anoita kuti vasangova vanhu vanomirira kupemha. Tiri kuona shanduko muraramo yevanhu vanorarama nehutachiona uhwu,” anodaro.

Nhapi anoti mumapoka avo, vanosangana vachikurudzirana kutora mishonga yavo, kushanyira varwere vava panhowo vachisimbisana uye vanoshanda nemachiremba anovatsigira.

“Takavhura toll free nhamba kuti vanhu vachaye nhare vachibvunzurudza vanachiremba maringe neHIV uye kupangwa mazano kune vari kutambudzwa nezvirwere zvenjere. Saka vanhu vanofona panhamba inoti : 08080441 vachibatsirwa pachena,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links