Zvakakoshera kuyamwisa vana

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Zvakakoshera kuyamwisa vana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SVONDO rino Zimbabwe yakabatana nedzimwe nyika pasi rose kupemberera World Breast Feed Week.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kuyamwisa Ndiwo Musimboti Weupenyu”.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group (WAG) – kuburikidza nebhuku raro rinonzi “Utano Hwako, Upenyu Hwako” – rinotsanangura zvakakoshera kuti madzimai vayamwise vana.

Zvakakoshera kuyamwisa:

— Mukaka wemuzamu raamai wakakosha kumwana pamwedzi yekutanga yekuzvarwa kwake.

— Ndimo mune kudya nekunwa kunovaka muviri nekurwisa zvirwere.

— Mushure memwedzi mitanhatu yekutanga, kumwe kudya kunovaka muviri kunogona kuzopihwa kumwana asi achiramba achiyamwisa kusvika asvitsa makore maviri kana kudarika.

— Mwana anotanga kuyamwiswa mukati meawa rekutanga rekubarwa kuti awane mukaka wekutanga unodaidzwa kuti munamba (colostrum) unova une kudya kunodiwa nemuviri.

— Mukaka wemuzamu haunetse kugadzira, haudhure nekuti unongowanikwa nyore.

— Zvinoumba ukama pakati paamai nemwana.

— Kuyamwisa kunoita kuti muviri waamai usaumbe mazai muchibereko anoita kuti vabate pamuviri nekudaro ndeimwe nzira yekurera mhuri.

— Kuyamwisa kunoita kuti dumbu raamai ridzokere pakare mushure mekusununguka.

Kuti uve nemukaka wakawanda:

— Ona kuti mwana ari kuisa munyatso wose wezamhu mukanwa, iwe wakabata zamu racho pakuyamwisa.

— Itai kuti vana vakwanise kuyamwa panguva dzose dzavanenge vachida mukaka kuitira kuti muviri wako ujairire kugadzira mukaka.

— Mhuri dzinofanira kuona kuti amai vawana kudya kunovaka muviri.

— Kushandisa mukaka wemumagaba kunoita kuti amai vakundikane kugadzira mukaka wakawanda mumuviri mavo nekudaro mwana anopedzisira ava kuwana mukaka mushoma.

Kana amai vachienda kubasa:

— Kune vamwe vanokwanisa kuenda nevana vachiyamwisa apo vanenge vachichengetwa pedyo nepavanoshandira kuitira kuti mukaka urambe uchibuda.

— Kune vanoshandira makambani asingabvumire izvi, zvakakosha kuti amai vasiye vayamwisa mwana vasati vaenda kubasa.

— Kuitira kuti mukaka usaomere muzamu, madzimai anoenda kubasa anokwanisa kusvina mukaka kuitira kuti mazamu asazvimbe kana kurwadza.

— Vamwe vanogona kusiya vasvinira mukaka mugaba rakachena kuitira kuti vanosara vachichengeta mwana vazomupa.

— Zvisinei, vamwe vanogona kushandisa mukaka wemumagaba uyo vanotenga vachibika kudzimba asi hauna chengetedzo yakasimba kubva kuzvirwere kana zvichienzaniswa nemukaka wemuzamu.

— Mukaka wemuzamu unoita kuti vana vasangobatwa nezvirwere semanyoka, chikosoro nezvimwe.

— Mikaka yemumagaba inogona kukonzera kuti vana varware kana mvura yacho ikasaifashaidzwa nemazvo.

Pamwedzi mitanhatu yekuberekwa:

— Mwana anofanira kuyamwiswa achipihwa kumwe kudya kunovaka muviri .

— Anofanira kuwaniswa michero ine Vitamin A semapopo, mango, maranjisi, makarotsi, manhanga nezvimwe.

— Musamanikidze vana kudya kudya kwakaomarara uye kwavasingagoni kutsenga.

— Musavape kudya kune munyu, shuga kana masipaisi.

— Vapei kudya pashoma nepashoma uye kunoenderana nezera ravo.

Share This:

Sponsored Links