Zvakanaka kuchecheudzwa

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
Zvakanaka kuchecheudzwa

Kwayedza

Kuna Chiremba
NDIRI murume wechidiki ane makore 25 okuberekwa. Ndakanzwa nyaya yekuchecheudzwa kwevanhurume ichikurukurwa nezvayo uye pane zvimwe zvakaipa zvinotaurwa nezvenyaya iyi zvaita kuti ndisanyatsoziva chokwadi chaicho uye kuti pfungwa dzangu dzivhiringike. Ndine hurongwa hwekuroora muna2019 uye nekuda kwemudzimai wandichazowana pamwe neutano hwangu, handichaziva kana zviine hungwaru kuti ndienderere mberi nekuchecheudzwa.
Ndapota ndiudzei chokwadi!

Kuna Avhiringika
Ndinokutenda zvikuru nekunyorera kwatiri apo uri kuda kutora matanho akakosha ane chekuita nehutano hwako uye nemudzimai wauchazowana pamwe nemhuri yako.
Pane humbowo hwesainzi huripo hunotaridza kuti kuchecheudzwa kwevanhurume kunodzikisa njodzi yekutapurirwa utachiona hweHIV kuburikidza nebonde pakati pemunhurume nemunhukadzi nechikamu che60 percent.
Zvinokurudzirwa kuti kuchecheudzwa kwevanhurume kunofanirwa kushandiswa senzira yekudzivirira kupararira kweHIV munzvimbo dzine kupararira kweutachiona uhu kwakanyanya.
Asi zvakakosha kuziva kuti kuchecheudzwa kwemunhurume hakupe dziviriro yakazara uye kunofanirwa kushandiswa pamwe nedzimwe nzira dzekudzivirira kutapurirwa HIV idzo dzinosanganisira kuongororwa ropa, kurapwa zvirwere zvepabonde, kushandiswa kwemakondomu evanhukadzi neevanhurume panguva yebonde uye nemazvo.
Izvi zvinoreva kuti kana uchinge wachecheudzwa hauna kupihwa tikiti rekuti uite bonde pamadiro nenzira inogona kuisa utano hwako panjodzi.
Zvakakosha kuti urambe uchiongororwa HIV, kurapwa zvirwere zvepabonde uye kushandisa makondomu nguva dzose.
Vamwe vanhurume vane pfungwa dzekuti kuchecheudzwa kunovadzivirira kuti vasatapurirwe utachiona hweHIV nechikamu che100 percent chinove chisiri chokwadi.
Kubvira apo chirongwa chekuchecheudzwa kwevanhurume cheVoluntary Medical Male Circumcision (VMMC) chakatanga, varume vanodarika 10 miriyoni vachecheudzwa munyika 14 dzemudunhu reAfrica idzo dziri kuitwa chirongwa ichi.
Izvi zvaona kudzikira kwekupararira kweutachiona hweHIV kubvira makore adarika.
Chikonzero chinoita kuti pave nezvimwe zvakaipa zvinotaurwa pamusoro pekuchecheudzwa ndechekuti kune vamwe vane pfungwa dzekuti pane zvigozhero zvinogona kusanganikwa nazvo apo munhu anenge achichecheudzwa.
Asi chokwadi chaicho ndechekuti zvigozhero zvinosanganikwa nazvo pakuchecheudzwa kwevanhurume zvakaita sekubuda ropa zvinoitika kuchikamu che1 percent chevarume vanenge vachecheudzwa muZimbabwe.
Vezveutano vanoona nezvekuchecheudzwa, vanhu vanove nyanzvi vakanyatsodzidzira basa ravo.
Kune vamwe zvakare vane mubvunzo wekuti kana munhu akachecheudzwa anokwanisa kuve nedziviriro yakadini maringe nekutapurirwa HIV?
Sezvatambotaurwa muchikamu chino, dziviriro inowanikwa kana munhu achecheudzwa kubva kuHIV chikamu che60 percent. Makondomu anopa dziviriro ye99 percent.
Pane zvimwewo zvinobatsira kana wachecheudzwa zvakadai sepanyaya yehutano hwakanaka.
Kuchecheudzwa hakukanganise mashandiro emunhurume panguva yebonde. Kana murume asina kuchecheudzwa, hunyoro hunokwanisa kugara muchikanda chake chekumberi kwenhengo yakavandika izvo zvinogona kuita kuti utachiona hunge huchiwana nzvimbo yekukurira huri.
Izvi zvinoreva kuti panogona kuve nenjodzi huru yekuve neutachiona pamwe nekuhuparadzira kune vamwe.
Kubviswa kwechikanda chekumberi ichi kunoita kuti pasave nehunyoro, kudziya nekuve nenzvimbo yakavharika iyo inogona kuti utachiona hweHIV hurarame pamwe neutachiona hwezvimwe zvirwere zvepabonde zvakadai sesyphilis, herpes necancroids.
Pamusoro pezvo, kuchecheudzwa kunobatsira zvakare mukudzivirira njodzi yechirwere chegomarara remuchibereko kumudikanwi wako.
Kuchecheudza kunoita kuti nhengo yako yakavandika igare yakatsvinda uye kune vamwe vanhukadzi vanoda varume vakachecheudzwa nekuda kwezvikonzero zvandataura.
Ndinokukurudzira kuti unge uchifunga zvakadzama pamusoro pekuchecheudzwa kuitira utano hwako nehwemhuri yako.

Share This:

Sponsored Links