Zvakanakira kudya makabichi

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views
Zvakanakira kudya makabichi Muriwo wekabichi

Kwayedza

ZVIRI MUGAPU NAMUCHANETA CHIMUKA
MUMURIWO wekabichi munowanikwa Vitamin C, mapuroteni uye unodzivirira kufufutirwa.

Svondo rino Simon Muchini wekuMasvingo anotitsanangurira mamwe mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Kabichi, matomatisi, hanyanisi, mafuta, pani nechipunu.

Mabikiro:

Cheka kabichi kuita zvidimbu zvidiki.

Cheka hanyanisi ukange nemafuta mashoma.

Isa matomatisi akachekwa usanganise ugadzire muto.

Kanda kabichi rawacheka usanganise.

Isa munyu wakaringana woramba uchipindura.

Usarisiya richiibva zvakanyanya.

Kana raibva chibura.

Kabichi rinodyiwa nesadza remhando yose yaunoda, nemupunga kana kuisa pachingwa.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhare dzinoti +263 713 411 281

 

Share This:

Sponsored Links