Zvakanakira kurima mbesa diki

28 Feb, 2023 - 16:02 0 Views
Zvakanakira kurima mbesa diki

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vekuBuhera, kudunhu reManicaland, uko kunonyanya kuchizivikanwa nekusanaya kwemvura zvakanaka, vanokurudzirwa kurima mbesa diki idzo dzinokurumidza kuibva senzira yekugutsa mhuri dzavo nenyika uyewo vachizviwanira mari.

Mumiririri weBuhera North mudare reParamende, Cde William Mutomba, vakapa kurudziro iyi vari kumusha kwavo kuBuhera svondo rakapera.

Cde Mutomba vakatura mashoko aya vachitenda mwaka weZhizha wegore ra2022 kusvika 2023 vachiti Mwari akavaropafadza nekunaisa mvura yakawanda izvo zvavanoti zvinoita kuti nyika iite maguta uye matura achipfashukira.

“Rwendo rwuno Mwari vakatiyeuka munyika yose nekunaisa mvura, kunyanya isu vedunhu reBuhera tinowanikwa muRegion 4 ne5 kwatinoziva kusinganaye mvura inokwanira nguva dzose. Mwaka uno Buhera tichakohwa kudarika mamwe makore ose sezvo zviri kuonekwa nezvirimwa zvedu zvinosanganisa chibage, mhunga, mapfunde, zviyo, nzungu, nyimo, nezvimwe zvakaita zvakanaka nemvura iri kunaya iyi,” vanodaro Cde Mutomba.

Mhunga

Vanoti igaroziva kuti mudunhu mavo varimi vanofanirwa kusimbira mukurima mbesa diki idzo dzavanoti dzinoita zvakanaka.

“Tine nyanzvi dzedu muno, vanova varimisi nevavanoshanda navo vanogara vachitikurudzira kurima mbesa diki. Mwaka uno Mwari vakatiyeuka senyika, mvura iri kunaya zvakanaka, saka ngatirambei tichirima zvirimwa zvose zvidiki tichisanganisawo nechibage.

“Ndafamba mudunhu rino zvirimwa zviri kuyevedza uye zvimwe zvatoibva,” vanodaro Cde Mutomba.

Vanoyambira varimi kuti vachengetedze mvura iri kunaya iyi nekuisa mumatangi nekuvakira migodhi nematsime avo kuitira kuti vozoishandisa mumapindu.

“Irombo rakanaka rekunaya kwemvura zhinji mwaka uno, saka ikurudziro yangu kuti tishandise mvura izere mumatsime, mumigodhi nemuzvibhorani kuita mapindu anokwanisa kutiwanisa mari yakawanda nezvirimwa zvatinotengesa. Uyewo, tine mamwe mabhindauko atinogona kuita kana mvura tiinayo inokwana sekupfuya nguruve, huku, nezvimwe,” vanodaro.

Cde Mutomba vanotenda ruzhinji rwedunhu ravo rwavanoti rwunoshanda nguva dzose pakusimudzira nzvimbo iyi nemabasa avo akanaka.

Mumwe wevarimi mudunhu reBuhera North ndiSabhuku Muzivi VaObert Muzivi (54) vanoti vakarima mapfunde nemhunga.

“Nekuona kusanaya kwemvura zvakanaka kuno, ndakarima mapfunde nemhunga izvo zvava kutoibva pandinotarisira kukohwa pakuru. Kana chibage ndinacho zvakare koitawo nyimo nezviyo,” vanodaro Sabhuku Muzivi.

Vanoti vanotarisira kusimudzira upenyu hwavo nekutenga zvipfuyo zvinosanganisa makwai nemombe kuwedzera zvavainazvo.

“Tine rombo rakanaka mwaka uno nekunaya kwemvura izvo zvichawedzera goho redu kuno kuBuhera,” vanodaro.

Mbuya Jane Mutumbu (66) vekwaSabhuku Muzivi nemwanasikana wavo, Matilda Mutsvakiwa (42), vamwe vevarimi vemhunga iri kuyevedza.

“Takarima mhunga nekuziva kuti dunhu redu harinaye mvura zvakanaka, nekudaro mvura yakazonaya zvakanaka saka tinotarisira goho repamusoro mwaka uno,” vanodaro Mbuya Mutumbu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>