Zvakanakira mhodzi dzemanhanga

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Zviri muGapu na Muchaneta Chimuka

MHODZI dzemanhanga dzakakangwa usavi hwakanaka zvikuru uye hunovaka muviri sezvo dziine mapuroteni neiron yakawanda izvo zvinobatsira mukurwisa zvirwere pamwe nekuwedzera ropa.

Svondo rino VaJohn Gangata vekuMasvingo vanorondedzera imwe nzira yekukanga mhodzi dzemahanga.

Zvinodiwa:

Mhodzi dzemanhanga, munyu, mvura, majarini, rwayenga kana pani.

Makangiro:

Tora rwayenga kana pani yakachena ugadze pamoto.

Isa twumajarini twushoma wosiya twuchinyunguduka.

Kanda mhodzi dzemanhanga wodzikanga.

Isa munyu wakasangana nemvura pashoma-pashoma uchikanga.

Ita kuti dzisare dzakatsvukira uye dzaoma.

Kana zvadai chibura udye nemhuri.

Mhodzi dzemanhanga dzinodyiwa nesadza jena kana dzakadaro uchinwira-nwira nemvura kana mahewu.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Share This:

Sponsored Links